Abirwa US$1.2k nembavha

18 Apr, 2023 - 19:04 0 Views
Abirwa US$1.2k nembavha Insp Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 34 okuberekwa wekuShurugwi akabirwa US$1 200 nembavha idzo dzakamutsara achiti aida mari yedoro apo aibva kuGweru manheru achienda kumba aine mumwe wake.

Izvi zvinonzi zvakaitika svondo rapera nenguva dza7 husiku apo John Svondo anogara kuMagakoosha, kuShurugwi, aibva kuGweru achienda kumba kwake aina Ashley Bomani (21).

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti varume ava vakasangana nemurume wavakangoziva nekuti Manex aivawo nevamwe varume vaviri vakabva vavataurira kuti vaida mari kubva kwavari yekutenga doro.

“Varume vatatu ava vakazotanga kurova John Svondo mumusoro nemabhodhoro kakawanda achibva apunzikira pasi. Mumwe wevarume ava akazosecha muhomwe dzetarauzi raSvondo achibva atora US$1 200 nenhare vachibva vatiza,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa eShurugwi ZRP.

“Semapurisa, tine chikumbiro kune veruzhinji kuti vatibatsire kuwana mashoko anoita kuti tikwanise kusunga varume vatatu ava nekuda kwemhosva yekuba iyi. Vane zvavanoziva vanotaura kumapurisa ari pedyo navo kana kukanda tsamba mumabhokisi edu emaSuggestion boxes akatekeshera nenyika yose,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>