Adzikwa banga vachitamba snooker

07 May, 2023 - 10:05 0 Views
Adzikwa banga vachitamba snooker Sergeant Major Samuel Chikasha

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaMambo Chipuriro, kuGuruve, akaitwa kafiramberi zvichitevera kubaiwa kwaakaitwa nebanga padumbu mugakava raakaita nemumwe murume waaitamba naye mutambo we”snooker”.

Sergeant Major Samuel Chikasha vanova mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central vanoti kurwisana uku kwakaitika mubhuku raZongororo.

Vanoti Max Kanengoni (23) wekwaSabhuku Zongororo akabaiwa nebanga padumbu naRasta Maluvha anobva kunzvimbo yemabhizimisi yekwaMudhindo, kwakare kuGuruve.

“Nyaya iyi yakaitika nemusi wa26 Kubvumbi panzvimbo yemabhizimisi yeNyakapupu apo paitambwa mutambo wesnooker patuckshop yekwaRwodzi. Max Kanengoni aitamba snooker naNosbert Marapuza anova sahwira wake wekwaSabhuku Mazarura. Rasta Maluvha anonzi aiona mutambo uyu vaviri ava vachitamba,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

Maluvha anonzi akazoedza kupa mazano ematambiro esnooker kuna Kanengoni achimuti aigona kunwiswa zvibodzwa zvakawanda, izvo Kanengoni asina kuzviterera.

“Max Kanengoni haana kuterera mashoko aMaluvha aya anonzi akaramba achitamba mutambo uyu nenzira dzake dzaaida zvinova zvakagumbura Rasta Maluvha achipomera Kanengoni kuti ainyanya kuvhaira nekuzvida. Maluvha anonzi akabva aburitsa banga rerudzi rweOkapi kubva muhomwe dzake ndokubaya Kanengoni naro kamwe chete padumbu achibva angopunzikira pasi ndokutanga kubuda ropa uye akavhurika ronda guru nekuda kwekubaiwa uku,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

Maluvha anonzi akabva atiza panzvimbo iyi aona kuti akanga akuvadza munhu apo Kanengoni akazobatsirwa naAnymore Muchapazara (23) wemubhuku raZongororo.

“Anymore Muchapazara akazotora bhachi ndokusunga ronda raiva rabaiwa Kanengoni iri kuti risarambe richibuda ropa ndokuendwa naye kuchipatara cheGuruve uko akasvikodarikidzwa kuParirenyatwa Group of Hospitals, kuHarare kwaari kurapwa. Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa nemusi wa27 Kubvumbi pakamba yeGuruve ZRP yasvitswa nehanzvadzi yaMax Kanengoni, Audience Kanengoni,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

Mapurisa vari mubishi rekutsvaga Maluvha nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuedza kuuraya.

“Tinokurudzira kuruzhinji kune vanoziva nezvemurume uyu kuti vatibatsire asungwe” vanodaro Sgt Major Chikasha.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>