Adzipa mukadzi, ndokumudhonora nesando

21 Nov, 2022 - 07:11 0 Views
Adzipa mukadzi, ndokumudhonora nesando Sando

Kwayedza

Lorraine Mathe

MURUME ane makore 36 okuberekwa wemumusha wePumula South, kuBulawayo akasungwa achipomerwa mhosva yekurova mudzimai wake nesando mushure mekunge anetsana naye nekuda kweshamwarikadzi yake.

Qiniselani Oskar Khoza akamiswa mudare reWestern Commonage Courts pamberi pemutongi VaShepherd Mjanja akatarisana nemhosva yekurova munhu sezvazvinotsanangurwa muchikamu cheSection 3 (1) (a) uye neSection (1) yemutemo weDomestic Violence Act Chapter 5:16.

Khoza anobvuma mhosva iyi ndokunzi adzoke kudare munguva pfupi inotevera kuzopihwa mutongo wake mushure mekubhadhariswa mari yebhera.

Dare rakanzwa kuti nomusi wa3 Mbudzi gore rino nenguva dza11 manheru, Sibongile Sibanda (38) akatambira mashoko (audio) paWhatsApp kubva kushamwarikadzi yaKhoza iyo yaimutukirira.

Shamwarikadzi yaKhoza iyi inonzi yakatuka Sibanda ndokumuudzawo kuti ainge ari chembere isingachazvara.

Mushure maizvozvo, Sibanda akabva atanga kunetsana nemurume wake pamusoro peshamwarikadzi yake yaive yamutumira mashoko ichimutuka.

Khoza akabva atanga kudzipa mudzimai wake ndokuenderera mberi nekumurova nesando paruwoko rweruboshwe izvo zvakaita kuti akuvare zvakaipisisa.

Sibanda akamhan’ara kumapurisa zvikaita kuti Khoza asungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>