Afa vachirwira pfambi

06 Jan, 2024 - 15:01 0 Views
Afa vachirwira pfambi Insp Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 24 okuberekwa wekuMberengwa anonzi akafa mushure mekurwiswa nevamwe varume vaviri apo vakanetsana pamusoro pemukadzi anotengesa muviri.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti vari kushushikana zvakanyanya nekuwanda kuri kuita nyaya dzevanhu vari kupondana mudunhu iri.

“Tine murume wemakore 24 ekuberekwa akafenda ndokuzofa mushure mekutakwa nematambo uye kubaiwa nebanga nevarume vaviri vatadza kuwirirana pamusoro penyaya yemukadzi anoita basa rekutengesa muviri. Nyaya iyi yakaitika mubhawa reBeauty Mine Cocktail Bar Booking Houses kuMberengwa nemusi wa2 Ndira nenguva dza1 mambakwedza,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti Farai Mapuranga (24) akatanga kunetsana naSimbarashe Chirume (21) nekuda kwemumwe mudzimai anotengesa muviri wavaida vose.

Chirume anonzi akabata Mapuranga zvine simba apo mumwe murume akangozivikanwa nekunzi Elliot akabva abudawo mune imwe yedzimba dzekubhuka panzvimbo iyi achibva anhonga dombo iro akatema naro Mapuranga kaviri mumusoro.

Chirume anonziwo akazoburitsa banga rerudzi rweokapi ndokubaya Mapuranga kaviri achibva atiza.

“Mapuranga akazovavarira kufamba kwechinhambwe chemamita makumi masere ndokupunzika achibva afa. Mapurisa ekuMberengwa vakaenda pachiitiko ichi Simbarashe Chirume achibva asungwa nekuda kwenyaya iyi. Mutumbi uyu wakazotakurwa kuendeswa kuchipatara cheZvishavane District Hospital,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokumbira kuruzhinji kuti vabatsire nemashoko anoita kuti Eliot asungwe.

Mune imwewo nyaya, mutumbi wemukomana ane makore 17 okuberekwa wakawanikwa padyo nebhawa reCheeky Tiger Night Club kunzvimbo yemabhizimisi yeDonga kuShurugwi nemusi wa1 Ndira gore rino.

Insp Mahoko vanoti Tawanda Mazhihwi neshamwari yake, Tatenda Mhuri, vose vane makore 17 okuberekwa vemumusha waSabhuku Mhuri kudunhu raMambo Nhema vakabva kumba ndokuenda mubhawa iri uko vaiona terevhizheni nevamwe.

“Tatenda Mhuri akazobva kubhawa uku achisiya mumwe wake Tawanda Mazhihwi aine vamwewo vaiva mubhawa umu. Nenguva dza2300 hours pazuva rimwe chete iri, mumwewo munhu aidarika akazoona mutumbi waTawanda Mazhihwi uri padyo nebhawa reCheeky Tiger Night Club ndokuzozivisa mapurisa ekuTongogara,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti pakuongororwa kwemutumbi uyu, wakaonekwa kuti waive wabaiwa nebanga pachipfuva kudivi rekuruboshwe.

Mutumbi uyu wakazotakurwa kuendeswa kumochari yechipatara cheShurugwi District Hospital uko waiva wakamirira kuongororwa nanachiremba.

Insp Mahoko vanokumbira veruzhinji vane zvavanoziva pamusoro penyaya iyi kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo kuitira kuti vanhu vakaponda Mazhihwi vakwanise kusungwa.

Share This:

Sponsored Links