Afira mumugodhi wemuvakidzani

10 May, 2022 - 14:05 0 Views
Afira mumugodhi wemuvakidzani

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuOld Canaan kuHighfield, muguta reHarare anonzi akawira mumugodhi achichera mvura, mutumbi wake ndokuzonyururwa mushure memazuva matatu wava kutowora.

Shyline Chimutenga (31) aigara panhamba 4165 ndiye ane mutumbi wakanyururwa mumvura nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) nemusi weChishanu chadarika.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Julius Chakanza vanotsinhira nyaya iyi.

“Tine mudzimai wekuOld Canaan ainzi Shyline Chimutenga (31) akafa awira mumugodhi paimba yepanhamba 886 munzvimbo imwe chete iyi apo aichera mvura yekuwachisa. Mutumbi wemudzimai uyu wakanyururwa ukaendeswa kumochari yechipatara cheSally Mugabe kunoongororwa,” vanodaro Insp Chakanza.

Vanoti mudzimai uyu aiva nenhoroondo yekupunzika uye kubatwa nedzungu.

“Tinokurudzira veruzhinji kuongorora nekugara vaine vanhu vanorwara, vorega kuvasiya vachienda kure navo uyewo tinokurudzira vanhu kuvhara migodhi nematsime kuti musazowira vanhu,” vanodaro.

Shelter Chamboko (30) anove tete kune mufi anoti nemusi weChitatu svondo radarika, vaiwacha vose nemuchakabvu vachinochera mvura panhamba 886 kuOld Canaan panova pamuzukuru wavo.

Anoti Chimutenga akazodzokera oga kunochera mvura apo asina kuzodzoka kumba.

“Taiwacha mbatya panze tichinochera mvura tose kusvikira akazodzokera oga. Haana kuzodzoka kusvikira vanhu vakatanga kushushikana kuti ainge aenda kupi,” anodaro Shelter Chamboko.

Mbuya Loveness Chamboko (67) vanova ambuya vemushakabvu, amai vaamai, vanotsinhirawo vachiti: “Ini ndinogara kumusha kwaChihota, ivo vachigara pano. Ndakatouyawo masvondo mashoma akadarika uye nemusi weChitatu uyu vaiwacha vachinochera mvura kumugodhi uyu. Vakaenda kaviri iye ndokuzodzokera oga apo akanowira mumugodhi uyu.

Mbuya Loveness Chamboko

“Ini ndaona asina kudzoka, ndakazoenda kumugodhi uku ndikanomushaya ndokuwana maslippers nechitini chekucheresa mvura nemugomo padyo nemugodhi uyu. Ndakaona mugodhi wakavhurika zvikandishamisa sezvo uchimbogara wakavharwa.”

Vanoti muchakabvu uyu munhu airwara nedenda repfari kana kuti zvifa-zvifa izvo zvavanofungira kuti anogona kunge akabatwa nedzungu ari pamugodhi uyu achibva awiramo.

“Vanhu vakaungana tichibva tazoenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa kwaMachipisa kuma 3 dzemasikati. Mapurisa vakauya kuma7 husiku musi wakare vakasvikoona pamugodhi ndokudzokera vachiti vaizodzoka rechimangwana racho,” vanodaro Mbuya Chamboko.

Vanoti pakadzoka mapurisa rechimangwana racho, vakatsvaga manera netambo vachibva vabatsirana nevanhu kubvondora mvura iyi panova pakazoonekwa mutumbi waChimutenga.

Mbuya Chamboko vanoti mapurisa ekuchikamu cheSub-Aqua Unit vakazouya husiku hwemusi weChina asi havana kukwananisa kuburitsa mutumbi uyu.

“Mapurisa aya vazodzoka nhasi Chishanu (chadarika) ndokuburitsa mutumbi wemuzukuru wangu, wanga wava kutotanda kureva kuti wanga wowora. Mutumbi wazoendeswa kuchipatara cheSally Mugabe.

“Takangomirira zvichabuda kuti tizokwanisa kunomuradzika,” vanodaro.

Pakashanyira Kwayedza pamugodhi wakawira mukadzi uyu, pakawanikwa pachitenderera nhunzi.

Varidzi vepamba apa vanoti vakazongonzwa hama dzaChimutenga dzava kuuya dzichiti vari kumushaya uye vaive nefungidziro yekuti ainge awira mumugodhi wavo.

Mai Rosyline Matibiri (40) vanova muroora pamba apa vanoti vakamutswa nemwana kuma4 masikati achivataurira kuti pamugodhi pavo paiva nemaslippers, mugomo nechitini.

“Ndakabvunza kuti raiva raaniko, ndikapindurwa nemwana kuti raiva remuzukuru wekwaChamboko. Ndava kutsvaga kuti hapangadaro here mwana awira, mumwe mukomana akazondiudza kuti aiva anzwa kurira kwechinhu chakawira mumugodhi.

“Ndipo patakaziva kuti aiva awira sezvo kumba kwavo aisaonekwa uyewo kuti akanga ambouya kuzochera mvura pano,” vanodaro Mai Matibiri.

Vanoti mugodhi wavo wakareba mamita matanhatu uyo vanhu vazhinji vemunharaunda vaichera mvura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>