Afira sadza reUS$1 repaKirisimasi

03 Jan, 2023 - 14:01 0 Views
Afira sadza reUS$1 repaKirisimasi

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME wekuSizinda, kuBulawayo, akafa mushure mekubaiwa nebanga achipomerwa kuti akanga asina kubhadhara sadza raaive adya reUS$1.

Nyaya yakasiya veruzhinji vaine kushamiswa uye nekutya kukuru iyi yakaitika nemusi weKirisimasi nguva dzichangodarika 3 dzemasikati.

Musateta Rutayi (35) anonzi aiva naBlessing Marara (35) naPesanai Maziriri (38) apo vakaenda kumba kwaMejury Ncube kunotenga sadza.

Rutayi, anova muvakidzani waNcube, anonzi akatenga ndiro yesadza yeUS$1 iro akagovana nevamwe vake ndokutanga kudya vose.

Panguva iyo vaidya sadza, Ncube anonzi akaenda kuna Rutayi ndokutanga kumupomera kuti aidya sadza iro akanga asina kubhadhara zvisinei kuti Rutayi akamutaurira kuti akanga abhadhara sadza iri kare akamupa mari yacho.

Achiratidza kushatirwa kukuru, Ncube anonzi akabvuta ndiro yesadza iri kubva kuvatatu ava achibva avataurira kuti vabve zvavo pamba pake.

Vatatu ava vanonzi vakaramba kubva pamba apa vachitaura kuti vainge vabhadhara sadza iri kare.

Ncube anonzi akazoridzira nhare mushandirwi wake, Kundai Moyo (24), uyo akabva angosvika nenguva pfupi nemotokari yake yemhando yeHonda Fit.

“Akawana Rutayi neshamwari dzake vava kubva pamba apa ndokuvatevera akasvikorova Rutayi nechibhakera ndokuzomubaya nebanga kakawanda padumbu achibva apunzikira pasi ndokutanga kubuda ropa rakawanda,” anodaro mumwe muvakidzani.

Maziriri akazotsvaga motokari ndokumhanyisa Rutayi kuchipatara cheUnited Bulawayo Hospital (UBH) asi akasvika achifa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reBulawayo, Inspector Abednico Ncube, vanotsinhira nyaya iyi.

“Tinokurudzira veruzhinji kusiyana nenyaya dzekurwisana panguva iyo vanenge vatadza kunzwisisana. Ngavatsvage vayananisi vakaita semafundisi, mapurisa anodyidzana neruzhinji vechikamu cheVictim Friendly Unit (VFU) nehama dzavo,” vanodaro Insp Ncube.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>