Agumburwa nekurukwa kwemudzimai ndokuisira mwana (2) muchetura

05 Feb, 2024 - 18:02 0 Views
Agumburwa nekurukwa kwemudzimai ndokuisira mwana (2) muchetura

Kwayedza

Arron Nyamayaro

MWANA wemakore maviri okuberekwa ari kurwira upenyu hwake ari muchipatara mushure mekuisirwa muchetura nababa vake zvichitevera kusawirirana mumba nemudzimai wavo nekuda kwemagadzirirwo ainge akaitwa vhudzi rake mumusoro.

Junior Nyamutambo akaendeswa kuSally Mugabe Central Hospital mushure mekunge amanikidzwa kunwa maheu akasanganiswa nemushonga wemakonzo nababa vake, Tinashe Nyamutambo.

Tinashe akatadza kunzwisisana nemudzimai wake, Trish Tsabora (21), panyaya yemagadzirirwo evhudzi rake.

Trish akarongedza zvinhu zvake ndokuenda kuvabereki vake uye ndokusiya mwana uyu nababa vake.

Tinashe anonzi paakapedza kuisira mwana uyu muchetura, akabva angotiza.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Faith Mapisa, vanotsinhira nyaya iyi uye vanokumbira veruzhinji kuti vabatsire nekuzivisa mapurisa kune murume uyu kuti asungwe.

“Mapurisa ari kuferefeta nyaya yekuda kuponda mwana. Nomusi wa28 Ndira nenguva dzemasikati, ari kupomerwa mhosva uyu anonzi aive kumba uko aigara nemudzimai wake anova mumhan’ari panyaya iyi. Anonzi akaudza mudzimai wake kuti akanga asingamuremekedzi uye aida kumugera vhudzi sezvo aifunga kuti ndiro raimufurira.

“Mudzimai wake haana kubvumirana nepfungwa yekuti agerwe vhudzi ndokurongedza mabhegi ake achibva aenda kumba kwaamai vake kwaGaran’anga, kuOverspill, kuEpworth, achisiya mwanakomana uyu nababa vake,” vanodaro.

Asst Insp Mapisa vanoti nemusi waNdira 29 munguva dzemasikati, Tinashe anonzi akatora mwana ndokunomusiya kunaamai vake kuMbare.

“Mwana uyu akaramba achichemera amai vake zvakanyanya zvikazoita kuti mbuya vake vamuendese kuEpworth kwakange kwaenda amai vake,” vanodaro.

Ongororo yakazoitwa pamwana uyu inonzi yakaburitsa kuti ainge apuhwa maheu ane muchetura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>