Aimbova tsotsi okaringa tunonaka kujeri

10 Feb, 2024 - 10:02 0 Views
Aimbova tsotsi okaringa tunonaka kujeri Clever Kapange (pakati) aina Oscar Pambuka

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME ari kupikira mhosva yekuba pajeri reHarare Remand Prison anoti ari kudzidza zvakawanda mutirongo zvinosanganisira kubika chikafu chakasiyana chemhando yepamusoro izvo zvichazomubatsira kuti awane raramo kana achinge azobuda kunze.

Clever Kapange anoti ari kufara chaizvo neruzivo rwaawana mujeri kwegore raagara imomo.

Anotenda vashandi vemujeri vanosanganisira Olinda Chigogo naNomatter Mugumbate nedzidziso yavari kuvapa yekubika zvemhando yepamusoro.

Kapange anoti chitoro chavari kubikira chinotengwa nevanhu vakasiyana vanoshandira munharaunda nevanobva munzvimbo dzakapoteredza.

Anokumbira mhuri yeZimbabwe kune vane zvitoro zvekubika kuti vazomutambirawo kana achinge abuda mujeri.

“Semunhu achabuda muhusungwa gore rino munaChikumi, handina pekutangira kuti ndikwanisewo kurarama nekuzochengetawo mwana wangu uyo akasvitsa makore maviri okuberekwa,” anodaro Kapange.

“Ndaitoshandirawo imwe kambani ndisati ndapinda muno apo ndakaita munyama ndikapindanawo nezvimwe.

“Mufaro wandinawo ndewekuti ndichabuda muno ndave nerumwe ruzivo rwekubika mahamburger, chips, garden salads, hotdogs, egg rolls, huku nehove,” anodaro.

“Chishuwo changu ndechekuti kudai ndawana anondipawo mari yekuti ndigovhure shopu yekubika chikafu nekuti ndiyo indasitiri iri kuitisa vanhu mari pataundi.”

Kapange akatongwa gore rapera ndokupihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 36 asi mimwe mwedzi yakasendekwa parutivi nechitsidzo chekuti haapare mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu anotevera.

Anoti mudzimai wake haachauye kuzomuona asi aimbouya pamwe naamai vake.

Kapange akatora mukana uyu kuyambira veruzhinji kuti vasapare mhosva achiti kugara mujeri hakuna kunaka zvachose.

“Dai vanhu varega kupara mhosva. Mumwe akati abuda akasvikowana mudzimai aroorwa ndokunomuuraya izvo zvakaita kuti adzoke mujeri zvakare. Kuba, kuponda, kutora zvinodhaka zvinosanganisira mutoriro nekuita zvinhu zviri kunze kwemutemo hazvina kunaka,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey