Aita bofu asvikira hama ichivhiya shato

17 Jan, 2024 - 12:01 0 Views
Aita bofu asvikira hama ichivhiya shato Charles Madzivire

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuZaka, kuMasvingo, anoti ava bofu mushure mekuwanikidza imwe hama yake yepedyo ichivhiya zishato kuseri kwechirugwi chembudzi kumusha kwavo.

VaCharles Madzivirire (44) wemubhuku raMadzivire, kwaMambo Bota, avo vava kugara kuBremar kwaGombiro, kuNyatsime mumugwagwa unobva muHarare uchienda kwaChihota, vanoti vakasangana nemanenji aya mugore ra2016.

Vanoti vakabva kwaMutare kwavaishandira ndokuenda kumusha uko vaida kunozivisa hama dzavo matambudziko avaisangana nawo sezvo vabereki vavo vose vakafa.

“Nekuda kwekusangana nematambudziko akasiyana mukurarama, ndakabva kwandaishandira kwaMutare ndokuenda kumusha ndikasvikorara kumba kwedu. Rechimangwana racho, ndakamukira kunoona hama yangu yechirume (zita tinaro) iyo ndakasvikira rungwana ngwana ndikawana ichivhuna shato hombe vachibatsirana nemwana wavo. Zvakandishamisa zvaiitwa ipapo,” vanodaro VaMadzivire.

“Handina kubvunza kuti vaida kuitei neshato iyi asi ivo voga vakanditaurira kuti mafuta eshato nenyama yacho zvakakosha zvikuru pakurarama kwevanhu uye nepatsika dzechivanhu. Ipapo ndakamirira kure ndichibva ndatanga kuona hutsi mumaziso angu.

“Ndakazobva apa ndava kupera simba ndisisaone zvakanaka uye zvandaiva ndafambira handina kuzozvitaura,” vanodaro VaMadzivire.

Vanoti dambudziko remaziso iri rakazoenderera kusvikira vasisaone zvachose.

“Nekuda kwehurema uhwu, hapana chakazombofamba apo mudzimai wangu wekutanga akanditiza ndikatora wechipiri asi akatiza zvakare. Mudzimai wechitatu akandirambawo saka ndangosara ndoga. Ndinochengeta musha wevamwe vanhu kuno kuNyatsime.

“Ndakamboita inspector weimwe kambani yemabhazi kwaMutare basa rikapera nekuda kwedambudziko irori. Hama chaidzo hapana achandida, ndakaita vana vaviri mumwe akafa saka ndasara nemumwe chete,” vanodaro.

VaMadzivire vanoti musha wevabereki vavo kuZaka wakatoparara.

“Ndaenda kune vanoshandira vakasiyana asi hapana chiri kubuda, vamwe vanondivimbisa kundibatsira pasina chinozobuda. Ndine mumwe akambonditora akazoguma achiti akasangana nenyoka musango ikamutaurira kuti asiyane nekundibatsira,” vanodaro VaMadzivire.

Vanoti vanogara vachirota nyoka ichivananzva maziso izvo zvinoita kuti azare maranga kana kuti mabori.

“Ndatambudzika, ndinodawo vanogona kupedza dambudziko iri. Nehurema uhwu, handigone kuzvishandira. Ndinogara ndoga pamusha wandinochengeta, handina anondicherera mvura kana kundiwachira uye chikafu chaicho handina. Munin’ina wangu akaenda kuBotswana anovimbisa kundibatsira asi hapana zvaanoita.”

Murume uyu anoti akazomboenda kumusha kwaitika rufu akanoudza hama yake yaakaona ichivhiya shato iyi kuti ava bofu kubva paakaiona ichivhuna shato asi haina zvayakapindura nezvazvo.

“Pekutanga, pandakavaona vachivhiya nyoka, ndakanotaurira tete hanzvadzi yababa vakandipindura kuti aya aitova manenji,” vanodaro VaMadzivire.

Vanoti vakaenda kuzvipatara zvakasiyana nemaziso aya asi kuchishaikwa chirwere kusvikira vaneta.

Kune vanoda kubatsira VaMadzivire vanovabata panhare dzinoti 0782 623 330 kana 0718 875 813.

Sekuru Banda

Votaura nezvakaitika kumurume uyu, Sekuru Kamwelo Banda vemuHarare vanoti VaMadzivire vakaona zvinhu zvaisafanira kuonekwa izvo zvakazovapofomadza maziso avo.

“Pane mhiko dzemumusha dzaiitwa nemunhu wavakawanikidza achivhiya nyoka uyu. Murume uyu aisafanirwa kuzviona, asi anoda kubatsirwa pachivanhu,” vanodaro Sekuru Banda.

Share This:

Sponsored Links