Amai, mwana vanetserana imba yenhaka

08 Dec, 2022 - 15:12 0 Views
Amai, mwana vanetserana imba yenhaka Imba iri kunetserana Mai Judith Murenje nemwanasikana wavo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anogara pamba paakasiirwa naamai vake kuDzivaresekwa 2, muguta reHarare, anoti ari kushungurudzwa nemwanasikana wake achimudzingapo achiti ndiye akasiirwa nhaka yemba iyi.

Mai Judith Murenje (54), avo vanogara panhamba 4507 muna19th Crescent kudzimba dzeTashinga Cooperative, vanoti imba iyi vakaisiirwa neamai vavo, mushakabvu Mbuya Evangelista Murenje, avo vakafa muna2018.

“Ndakaberekwa ndichingova ndoga naamai vangu vaishanda kumayadhi ndokupinda mucooperative iyi vachibva vawana sitendi ndokuvaka imba yavo. Ini ndaingogara pano ndikaita vana vangu vatatu nevarume vaviri vakasiyana.

“Pauline Nzonzo (37) ndiye dangwe rangu uye ndiye ari kuda kunditorera imba iyi achiti akasiya anyoreswa naamai vangu panhaka yavo,” vanodaro Mai Murenje.

Vanoti nguva zhinji vaigara kumusha vachisiya amai vavo ava nevana vavo vaviri pamba kusvikira pavakazoshaika.

“Ambuya vafa, ndakazotanga kuuya kuzogara pamba pano ndichibhadhara mari yemvura nemagetsi nemimwe mitero inodiwa sezvo paiva nechikwereti. Ndakazoshamiswa kunzwa mwanasikana wangu, Pauline, ava kuuya negwaro raanoti i’will’ yakanyorwa naamai vangu vachiti ndiye anofanirwa kutora imba iyi inini ndobviswa.

“Zvingaite here kuti amai vangu vape nhaka kumuzukuru mwana wemukuwasha ini ndiripo? Chinonetsa inonzi will iyi yakaitwa yekutaipwa paine chidhindo chemunwe chinonzi ndechaamai vangu. Amai vaigona kunyora sei vasina kuisa runyoro rwavo? Itsamba yechitsotsi iyi,” vanodaro Mai Murenje.

Vanoti tsamba inonzi will iyi yakaiswa chidhindo chinonzi ndecha’commissioner of oaths’ uye izvi zvakaitwa panguva iyo amai vavo vairwara.

Mai Judith Murenje

“Tikatarisa chidhindo chetsamba iyi nezuva rachakaiswa, ambuya ndiyo nguva yavairwara vasingagone kutaura kana kusvinura. Handizive kuti vakamuka here ndokudhindiswa tsamba iyi vachibva vazofa.

“Imwe nyaya inoshamisa ndeyekuti panhamo yaambuya, vanasekuru vose nedzimwe hama dzaamai vaivapo asi nyaya iyi haina kumbobvira yakataurwa nemwanasikana wangu uyu. Pamusoro pezvo, patsamba inonzi will iyi yakanyorwa kuti ambuya vakasiya vataura kuti havadi kuona hama dzavo panyaya yemba iyi,” vanodaro.

Mai Murenje vanoti Nzonzo mwana weaimbova murume wavo, Edmond Dongo, uyo anotova kumusha kwake kwaSadza, kuChivhu.

“Pauline akakura achichengetwa naamai vangu pano. Nhasi ava kundipandukira kuda kutora imba yaamai vangu? Ngaabve pano aende kumba kuna baba vake. Chokwadi kutorerwa imba yaamai vangu nemwana wemukuwasha? Hazviite.”

Vanoti vakaenda kuvakuru veTashinga Cooperative asi havana kubatsirwa uye vanoita sevari kudyidzana nemwanasikana wavo munyaya iyi.

“Ndakaenda kukanzuru vakanditi hakuna zita remwanasikana wangu kunze kweraamai vangu. Izvozvi pamba pedu pane maroja 7, vanopa mari ini zvisinei kuti musikana uyu ari kuda kuti mari yemaroja ipihwe iye,” vanodaro Mai Murenje.

Mbuya Enesia Kuchidzemhandu (76) vanova sachigaro weTashinga Cooperative vanoti nyaya yemba iyi yanetsa pakati paMai Murenje nemwanasikana wavo.

“Ini ndaishandawo basa remumba pamwe chete naMbuya Evangelista Murenje apo takaumba mushandirapamwe weTashinga Cooperative tikavaka dzimba idzi. Dambudziko ravapo, mbuya ava vanonzi vakasiya vanyoresa muzukuru wavo Pauline Nzonzo kuti ave muridzi wenhaka yemba, vachiti ndiye aivachengeta vachirwara. Zvino amai vacho vanoti ko iwe ungazopihwa sei imba yaamai vangu ini ndiripo?” vanodaro Mbuya Kuchidzemhandu.

Vanoti nyaya iyi yava kuendeswa kuhofisi yaMaster of High Court kuti inogadziriswa.

Nzonzo akaridzirwa nhare neKwayedza asi akaramba kutaura zvakawanda nekuda kwenyaya iyi.

“Ndine hurombo vakuru handikwanise kutaura nevatori venhau nekuda kwenyaya iyi,” anodaro Nzonzo achibva adzima nhare yake.

Share This:

Sponsored Links