Amai ndinokudai amai, dai musirimi: Musungwa

17 Feb, 2024 - 10:02 0 Views
Amai ndinokudai amai, dai musirimi: Musungwa Tonderai Mhandu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 26 okuberekwa anobva kwaKazangarare, kuHurungwe – uyo ari kupika jeri paHarare Central Prison nemhosva yekubata chibharo – anoti rudo rwake harumbofa rwakatapudzika kubva kuna amai vake zvichitevera kumubura kwavakamuita kubva mumoto ari mucheche mushure mekunge imba yavo yarohwa nemheni.

Achitaura nemusi wa14 Kukadzi rinova zuva rekupemberera Valentine’s Day, Tonderai Mhandu, anoti mwoyo wake uri kuna amai vake vekumubereka kwete kuvadiwa sezvinoitwa nevamwe.

Jeri reHarare Central Prison rakacherechedza zuva iri apo vasungwa vaipihwa zvipo nevadikani vavo kubva kunze uyewo vachiwana mukana wekusangana neveruzhinji.

“Zuva ranhasi kunyangwe vamwe vachipanana maruva nezvipo zvakasiyana, madzimai nevarume vavo uyewo nevasikana nevakomana vavanodanana navo, ini rudo rwangu ndinorwuendesa kuna amai vangu vakaita kuti ndive mupenyu nhasi. Vakandibereka ndokundipa upenyu vakazondibura muchoto imba yandaiva ndirere yarohwa nemheni ikabvira.

“Vanoti vakapinda murimi remoto iri vakandibura ndikawanikwa ndakatsva ivowo vakatsva muchiitiko ichi,” anodaro Mhandu.

Anoti akasiya kunze vasikana vake vatatu avo aidanana navo panguva iyo akasungwa.

Asi, akatokanganwa nezvavo kunze kwaamai vake avo anoti vanokodzera kuti avatende zvakapetwa.

“Zuva ranhasi rinondirangaridza rudo rwunobva kuna amai vangu, Auxillia Kwanisayi (56), avo vari kumusha kuHurungwe. Ndiri muno mukati mejeri kudai ndinoshuvira kuti amai vangu vangadai vachindipa rudo rwavo semwana, iniwo ndichivaratidza rudo rwangu kwavari. Zvevasikana vandakasiya kunze avo ndinoti ngavatambe yavo voga ini ndiri kuno kujeri,” anodaro.

“Mukatarisa mavanga andiinawo kumeso aya, ndeekutsva nemheni ndiri kasvava ndichangobva kuberekwa semashoko andinotaurirwa naamai vangu.

“Mashoko angu anoenda kuna amai vangu nedzimwe hama kuti ndiri kuno kujeri kune vamwe ndichidzidza zvinhu zvakasiyana zvakanaka. Ngavasachema zvavo amai vangu, ndinouya ndovaona zvakare.”

Murume uyu akatongwa mugore ra2018 ndokupihwa chirango chekugara mujeri kwemakore gumi nemaviri uye akazobvisirwawo mamwe makore.

Anoti achabuda mujeri kupera kwegore rino.

Share This:

Sponsored Links