Amitisa vanasikana vake 5

12 Mar, 2020 - 15:03 0 Views
Amitisa vanasikana vake 5 Joe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

Murume anogara kumindamirefu yeWinimbi, kwaMambo Svosve, kuMacheke, ari kunzi ihuku iri kudya mazai ayo sezvo achinzi amitisa vanasikana vake vashanu.

Vaviri vevana ava vanonzi vakatotiza pamusha pevabereki vavo nekuda kwezvavari kuitwa nababa vavo.

Baba ava — avo vatichangodoma nezita ravo rekuti Joe (55) — vanoramba kuKwayedza makunakuna kana kuti chibharo izvo zvavari kupomerwa nevagari veko, asi ndokubvuma kuti nyaya iyi inogara ichitaurwa nevanhu vavanoti vanovavenga uye vasingade kuti vagare tatata nemhuri yavo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti nyaya iyi haisati yasvika kumahofisi avo.

“Zvatanzwa nyaya iyi kudai, tave kutotuma mapurisa edu kuti vaiferefete zvizere,” vanodaro Insp Mwanza.

Asi sabhuku wemusha unogara murume uyu anotsinhira nyaya yekuti Joe ari kupomerwa kuita vanasikana vake mbune madzimai achishinha navo.

“Nyaya iyi yakasvitswa kudare rangu tikaenda kumba kwake kunomubvunza asi akazviramba. Anonzi akawanikidzwa arere nemumwe wevanasinaka vake akaroorwa nemukuwasha nemwanakomana wake mudiki apo vakada kumurova.

“Zvinonzi anoshinha nevanasikana vake vose vashanu, kusanganisira vakaroorwa uyewo nekamuzukuru kake kadiki. Muzukuru wake uyu anonzi akatomuitisa pamuviri pakazongobva zvatinofunga kuti pakabviswa,” anodaro sabhuku uyu.

Anoti musha wose madzimai nevarume vakambotibuka kuenda kumba kwaJoe kuti vanotaura naye apo anonzi akatiza akaita mwedzi mitatu asipo.

“Ini akapotsa andirova ndamubvunza nyaya iyoyi. Vanasikana vake vanodzoka kubva kuvarume, hanzi nekuda kwechikonzero chekuitwa madzimai nababa vavo.”

Sabhuku ava vanoti nyaya iyi havana kuisvitsa kwaMambo Svosve sezvo vachida kutanga vanyatsoizeya zvakazara.

“Hapana panopfungaira hutsi pasina moto. Ini ndinoti murume uyu anozviita, zvamauya imi tinoda kuti mutigadzirisire nyaya iyi,” vanodaro.

Muhurukuro neKwayedza, Joe anoramba kuti ari kuita vanasikana vake madzimai.

“Ehe, ndinopomerwa kuita vana vangu madzimai — vose vari vashanu. Asi ini handina chandinoziva.

“Ndakatombosungwa nemapurisa nekuda kwenyaya iyi mugore ra2017 ndikazoregerwa kwashaikwa umboo. Zvaimbonzi ndinorara nevose vashanu ndokuzonzi ndinoshereketa nevatatu uyewo nemuzukuru,” anodaro Joe.

Joe — uyo asinganwe doro asi mudzimai wake ari chidhakwa —anotsinhira kuti vanasikana vake vanodzoka kuvarume vachizogara pamusha apa nevana vavo.

Pakasvika vatori venhau, vakawana pamusha apa paine gurumwandira revana avo vanonzi vana kana kuti “vazukuru” vaJoe.

“Muno ndini chete ndinopomerwa nyaya yekushinha nevana vangu, hakuna vamwe. Handizive kuti sei zvichingonangana neni bedzi. Kana mudzimai wangu anogara achibvunzwa nyaya iyi nevanhu,” anodaro Joe.

Murume uyu nemudzimai wake vane vana vanomwe, vasikana vashanu nevakomana vaviri.

Joe anotsinhirawo kuti akambopotsa arwisa sabhuku vake apo aibvunzwa nezvenyaya iyi.

“Hongu, sabhuku ndakapotsa ndavarova apo vaindibvunza nyaya yekuti ndainzi ndainge ndamitisa mumwe mwanasikana wangu,” anodaro.

Anoti akazvipira kunoongororwa ropa pamwechete nevazukuru vake zvionekwe kuti vana ava ndevake here?

Chipo (52), mudzimai waJoe – anova amai vevana vari kukanganiswa nababa ava – anoti iye nemurume wake vakaroorana mugore ra1993 uye nyaya yekuti baba ava vanoita vanasikana vavo vakadzi inotaurwa.

“Chinondinetsa ndechekuti kune varume vana vanogara muno mumusha vari kundipfimba uye vanotaura nyaya yekuti ndidanane navo vachiti sei ndichigara nemurume anoshinha nevana vake.

‘‘Ini handina umboo nazvo uye baba vakambosungwa vakaregerwa,” anodaro Chipo.

Vamwe vanhu vanogara munzvimbo iyi vanoti mwanakomana mudiki waJoe akambosvikira baba vake varere nemumwe wevanasikana vake akaroorwa uyo akazorambwa nekuda kwenyaya iyi.

“Inyaya yavo baba ava inozivikanwa muno, kunzi vanoshereketa nevana.

‘‘Inyaya inoita kuti varambwe nevarume.

“Mwanakomana wake mudiki akamuwanikidza nemumwe wevanasikana vake apo murume wemwana uyu aivapo.

‘‘Mukuwasha uyu nemwanakomana vakada kurova baba ava, kusvikira Joe avadzinga pamusha apa. Nanhasi mwanakomana uyu haazivikanwe kwaari.

“Mukuwasha wacho akabva angoramba mwanasikana wavo ndokumusiya pamusha pevabereki vake ipapa,” anodaro mumwe murume anokumbira kuti zita rake risaburitswe.

Varume vaviri vanova masahwira aJoe – avo vanorambawo nemazita avo – vanotsinhirawo nyaya iyi.

“Ichokwadi, murume uyu anochengera vana vake zvekuti vakaenda kana kuhuni kana kuchigayo, iye anovaperekedza. Dzimwe nguva anotokwira mumuti ari nekure kuti aone kuti vanani.

“Vazukuru vake ava naiye vanoda kutorwa ropa voitwa DNA kuti chokwadi chibude pachena,” anodaro mumwe sahwira wacho.

Anoenderera mberi” “Akasungwa mugore ra2017 akazodzoka hatizive kuti akadzoka sei.”

Mumwe wevanasikana ava uyo ane makore 18 okuzvarwa anotiwo nyaya yekunzi vanoitwa madzimai nababa vavo inotaurwa — “asi manyepo”.

“Ehe, baba vakambosungwa isu vanasikana takazviramba. Ndibaba vedu, hatizive kuti mashoko aya anobva kupi,” anodaro mwanasikana uyu.

Anoti vanorambwa nevarume asi haazive kuti vanorambirwe chii.

Mumwezve wevana ava, uyowo akarambwa nemurume, anotiwo, “Tiri vatatu takadzorwa kuvarume, vamwe vachiriko zvavo asi pane zvinonetsa ikoko.”

Share This:

Sponsored Links