Ane minwe 4, haana kana mutauro wemuZimbabwe waanonzwa

11 Mar, 2024 - 15:03 0 Views
Ane minwe 4, haana kana mutauro wemuZimbabwe waanonzwa Murume asati azivikanwa kuti ndiani ari muchipatara cheMpilo Central Hospital

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

CHIPATARA cheMpilo Central Hospital, kuBulawayo chiri kukumbira vanogona kuita kuti vazive murume asiri kuzivikanwa uyo akapinzwa muchipatara ichi mwedzi miviri yadarika uye asinganzwe kana kutaura mumwe wemitauro gumi nemitanhatu yemuZimbabwe.

Apa kumawoko ane minwe mina.

Murume uyu akanhongwa afenda padivi pemugwagwa kuNyamandlovu ndokutorwa neamburenzi uye anofungidzirwa kuti akadhumhwa nemotokari yakabva yatiza.

Akapinzwa muchipatara ichi musi wa4 Ndira gore rino uye paakaongororwa, vashandi vezveutano vakaona kuti akange asina paakakuvara zvisinei nekuti paakaonekwa aive akafenda.

Murume uyu – uyo anove murefu ari mutema – anofungidzirwa kuti ane makore anosvika kumakumi matatu okuberekwa. Akarapwa uye anyatsopora.

Zvisinei, vanamukoti vakaona kuti aigona kutaura paakazopengenuka asi pavakazoongorora, zvakaonekwa kuti akanga ari wokune imwe nyika isiri Zimbabwe.

Mpilo Central Hospital

Anoona nezvekudyidzana neveruzhinji pachipatara ichi, Matron Norma Mabhena, vanoti murume uyu atogadzirira kusanganiswa nemhuri yake kunyangwe hazvo asingazivikanwe nyika yaanobva.

“Tine murwere watisingazive ari muwadhi medu uyo akaunzwa neveamburenzi musi wa4 Ndira kuMpilo. Ainge akapfeka semunhu anogara munyika ine tembiricha yakadzikira uye kunyangwe taifungira kuti murwere wepfungwa, takazoona kuti anoziva zvaari,” vanodaro.

“Dambudziko ratinaro nderekuti haakwanise kutaura mitauro yedu yemuno, takaedza kuunza vashandi vezveutano nevesocial welfare vanotaura mitauro yakasiyana pasina chakabuda.

“Takamboedzawo kuongorora zvinhu zvake kuti tiwane zita rake asi hapana chatakawana. Aiva nebepa rakanyorwa chimwe chinhu, icho chisina kukosha. Iye apora zvakanaka asi hatigoni kutaura naye kana kumuendesa kupi sezvo tisina chokwadi chokuti ndiani.”

Matron Mabhena vanoti vakashevedzawo vaturikiri vemitauro yakasiyana vane chitsama asi vakaona kuti murume uyu hapana mutauro wemuZimbabwe waanonzwa kana kutaura.

Vanoti vanokwanisa kubatsira panyaya iyi ngavaridze nhare dzechipatara chavo dzinoti +263 292 212011-9.

Share This:

Sponsored Links