Anorutsa mugomo weropa

13 Sep, 2022 - 14:09 0 Views
Anorutsa mugomo weropa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara mumusha weStoneridge, muguta reHarare anoti ane dambudziko rehurwere husinganzwisisike sezvo achirutsa ropa rinogona kuzara mugomo wemarita 20.

Haazi kuziva chiri kukonzeresa hurwere uhu. VaFungai Bhunu (43), avo kumusha vanobva kwaMasvosva kwaRusape, vanoti vasvitsa makore anodarika maviri vaine dambudziko iri.

Vanoti vazama kutsvaga rubatsiro kubva muzvipatara, kumaporofita nekun’anga asi hapana chiri kusanduka.

“Dambudziko rekurutsa ropa randinetsa, handizive kuti rinobva pai. Ndinotanga kunzwa kusvotwa nedzungu, ipapo ndobva ndatanga kurutsa.

Mai Muchitya

“Zvinoitika ndakarara kunyangwe ndisina. Kazhinji ndinotanga nekukosora ndoburitsa magararwa ane ropa uye zvikangodaro ndinobva ndatanga kurutsa ropa rakakora rogumira rava dete asi rakawanda.

“Zvinotora nguva inodarika awa kusvikira ndarutsa zvinhu zvose zviri mudumbu, ndonzwa dumbu rava kuzara mhepo,” vanodaro VaBhunu. Vanoenderera mberi vachiti: “Kun’anga nekumaporofita kwandinomboenda ndinonzi ndiri kushandisirwa zvikwambo asi hapana rubatsiro rwavanokwanisa kundipa.

“Ini ndinonwa doro remasese kwete mutoriro nerimwe riya rinorambidzwa nekuti vamwe vanoguma vave kuti idoro riri kukonzera dambudziko iri.”

Vanoti pari zvino havana mari yekuti vaende kuchipatara kunorapwa izvo zviri kuita kuti dambudziko ravo rikure.

“Ndinoita mabasa emawoko ndichizviriritira asi nekupera simba kwandinoita, handichakwanisa kuita mabasa aya nekudaro mari yekuti vana vachienda kuchikoro handichaiwana.

Ropa

“Vana vakagara pamba nekushaya mari vanosanganisira weGrade 2 ne3 uye weForm 1. Imba yatinogara two rooms ndeyekuroja inodawo US$60 pamwedzi.

“Vadzimai vangu voga ndivo vari kungomirira kuriritira mhuri nemabasa emaricho, asi havachazvikwanisa nekudaro mumba inongova nzara.”

Rimwe dambudziko ratarisana nemurume uyu anoti haachakwanisa kudya nekuda kwekusviba kwemwoyo.

“Handichagona kudya kunyangwe ndikapihwa kudya kwakanaka sei, uyewo muviri wangu wose wava kugara uchirwadza zvakaita semusana, musoro, mudumbu macho netsoka dzinopisa. Hapana pasingarwadze pamuviri wangu,” vanodaro VaBhunu.

Vanoti vane mwana wavo mudiki uyo akatsva nemoto nekudaro vari kutsvagawo rubatsiro rwekuti arapwe.

“Zvinhu zvangu zvinoita sekunge zvine mhepo, mwana izvozvi akatsva ari kuda mari yakawanda yekurapwa,” vanodaro VaBhunu.

Mudzimai wavo, Mai Nyarai Muchitya (35), vanoti upenyu hwavo semhuri hwavaomera nekuda kwehurwere hwemurume wavo nehwemwana.

“Baba vanorwara, vanodzvova semombe husiku kana masikati, vorutsa ropa rinozara marita 20 ini ndichingorirasa. Pamusoro pedambudziko rababa, tine mwana wemakore matatu akatsva nemafuta makore maviri akadarika. Akatsva ruwoko rwekuruboshwe tikaenda naye kuchipatara kuuno uko kwaidiwa mari yakawandisa tikazobatsirwa nevane tsiye nyoro kuenda naye kuchipatara chekuMalawi uko akanorapwa,” vanodaro Mai Muchitya.

Minwe yemwana uyu yakadambuka yose uye vanoti vakambogara kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital kwemwedzi mitatu.

“Dambudziko rangu rakazonzwikwa nevamwewo vanhu vakaita kuti ndiende kuMalawi uko ndakanobatsirwa kuchipatara cheko. Izvozvi ruwoko rwemwana rwunonzi rwuri kuda kuitwa plastic surgery inoda mari inodarika US$5 000 iyo tisina.

“Chiremba wechipatara chekuMalawi akati tidzoke ikoko pakati pemwedzi waGunyana. Hatina mari yekuenda naye, yepekunogara, yekukwirisa mabhazi neyekurapwa yacho. Takanogara mwedzi mumwe kuMalawi,” vanodaro Mai Muchitya.

Vanoti pairwara mwana wavo vari muchipatara, vakawanawo midziyo yose yabiwa mumba zvisinei nekuti murume wavo aivepo.

Mai Muchitya vanoti vamwe vana vatatu vakanga vaendeswa kumusha kuHwedza vanonzi vakadya muchetura vakagumawo vave muchipatara cheko.

“Hatizive, zvinoita sekunge mhuri yedu yakatukwa. Matambudziko acho anoita sebhaisikopo kana tichitaura asi ndizvo zviripo.

“Kune vanoda kutibatsira vanotibata panhare dzinoti 0771 443 134 kana 0786 211 951,” vanodaro Mai Muchitya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>