Apihwa gupuro nemudzimai parufu rwemwana . . . uku imbwa ndokutiza nenyama panhamo

10 Dec, 2022 - 05:12 0 Views
Apihwa gupuro nemudzimai parufu rwemwana      . . . uku imbwa ndokutiza nenyama panhamo VaTitus-Sithole-Dube

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

VANHU vaiva parufu kwaSabhuku Mapuka, kwaOdzi, kwaMutare vakasara vasina neremuromo apo mumwe mudzimai akaramba murume wake ndokumupa gupuro panhamo yemwanakomana wavo nekuda kwechikonzero chisina kuzivikanwa.

Sezvinonzi izvi zvainge zvisina kukwana, imbwa dzaiva parufu apa dzakabawo nyama yose yembudzi yainge yaurairwa vanhu kuti vadye.

Samuel Dube akapihwa gupuro nemudzimai wake, Chipo Mapuka, parufu rwemwanakomana wavo uyo akafa ava nemakore 13 okuberekwa.

Vaviri ava vaiva nevana vaviri, kusanganisira neakashaika uyu, Lazarus Dube.

Lazarus aiva akamirira zvichabuda pabvunzo dzake dzeGrade Seven apo akashaika nekuda kwekurwadziwa nenzeve abvakachira amai vake kwaOdzi.

Mukoma waSamuel Dube, VaTitus Sithole-Dube, vanoti zvisinei nekusawirirana kwevaviri ava uye nezvakaitika izvi, vakakwanisa kuviga mutumbi waLazarus paine bhaisikopo repachena.

Vanoti panhamo iyi pakamboita kubvutirana kwemutumbi waLazarus pakati pemhuri yekwaamai neyekwababa apo madzitezvara vanonzi vaida kutanga vapihwa roora ravo.

“Patakataurirwa nezverufu rwaLazarus, vanatezvara vemunin’ina wangu vakaramba kutipa mutumbi wemwana vachida kuti titange tabvisa roora remwanasikana wavo. Takazotaurirana navo kuti taizobhadhara nekufamba kwenguva.

“Taisava nemari panguva iyi yekutakurisa mutumbi wemwana kuenda nawo kumusha kwedu kwaMutasa zvikaita kuti tikumbire kuviga mutumbi wake kwaOdzi kunova kumusha kwemudzimai wemunin’ina wangu izvo zvakaita kuti vanatezvara vataure kuti vaida mari.

“Takabhadhara US$25 nembudzi iyo yakabva yauraiwa seusavi hwevanhu panhamo iyi. Ndipo pavakazotibvumira kuradzika mutumbi wemwana wedu kumusha kwavo,” vanodaro VaTitus Sithole-Dube.

Vanoti zvinoratidza kuti mwana uyu aisada kuvigwa kwaOdzi zvichitevera zviitiko zvose zvakatora nzvimbo asati avigwa.

“Pakauraiwa mbudzi, Mapuka akataurira vanhu vaiva panhamo kuti akanga ava kupa Dube gupuro iro akabva amutambidza pajekerere. Akashamisa vanhu vose, imbwa dzakabva dzauyawo dzichibva dzabvutidzana kudya nyama yembudzi yaiva yakamirira kubikwa iri mumadhishi, vanhu ndokusara vasina chekudya,” vanodaro VaTitus Sithole-Dube.

Vanoti vakazomanikidzwa kutenga imwe mbudzi yechipiri sezvo madzitezvara avo vaida imwe mutumbi waLazarus usati wavigwa.

“Vakati kushaikwa kwembudzi yechipiri zvaizokonzera kuti isu titsvage kumwe kwekunoviga mutumbi wemwana wedu,” vanodaro.

Sabhuku wemusha uyu, VaToringepi Mapuka, vanoti izvi hazvina kumbobvira zvaitika mudunhu ravo kuti imbwa dzinoba nyama parufu.

“Mafungiro angu ndeekuti mufi uyu, Lazarus, aiva asingade kuvigwa kuno, zvishamiso zvakawanda zvaitika panhamo pano. Dzimwe nguva zviratidzo zvekuti Lazarus aida kuti mutumnbi wake utakurwe kuendeswa kumusha kwake kwaMutasa.

“Hongu, vanga vasina mari asi vangadai vakatsvaga dzimwe nzira dzekuti mutumbi wemwana uyu unovigwa kumusha kwababa vake,” vanodaro.

Sabhuku Mapuka vanoti nyaya yekubviswa kweroora raMapuka yakanetsawo parufu apa.

“Dube akarambwa pamberi pevanhu vaichema, kunyangwe akabuda pachena kuti aida mudzimai wake. Mudzimai uyu akataura kuti murume uyu anoshusha uyewo nekuti haachengete mhuri yake,” vanodaro.

Asi, VaSamuel Dube vanoti vari mugwara rekutaurirana nemudzimai wavo sezvo vachimuda.

“Ndiri mugwara rekubvisa roora kunyangwe andipa gupuro pane vanhu, mukadzi ndinomuda. Tine mwana tose apa otaura kuti haachandida?

“Zvinoreva kuti ndava kufanirwa kunochengeta mwana ndoga nekuti tinoguma tarasikirwa nemwana uyu nenzira dzimwe chete dzafa nadzo Lazarus,” vanodaro.

Mapuka nemhuri yake havana kukwanisa kutaurwa navo.

Share This:

Sponsored Links