Aponda mhuri yose, ndokushinha nezvitunha

18 Jan, 2023 - 16:01 0 Views
Aponda mhuri yose, ndokushinha nezvitunha VaNicholas Chirombe (kurudyi) nevanin'ina vavo

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MURUME wekuNyanga anonzi akangopanduka apo akauraya mudzimai wake nevana vatatu, ndokuzoshinha nezvitunha zvavo.

Edward Chirombe (43) akazozviuraya mushure mekuita izvi.

Madzikoma aEdward, avo vakaita vamwe vevanhu vekutanga kuona zvitunha zvevakapondwa ava, vanoti zvinoratidza kuti zviviri zvezvitunha izvi zvakashinhwa nazvo mushure mekunge vanhu vacho vafa vachiona mamiriro azvakanga zvakaita.

Chitunha chemudzimai wake, Joice Mashenu (40) nechemwanasikana waEdward wemakore gumi nemana okuberekwa, Tendai Chirombe, zvakanga zvisina nhumbi dzemukati pazvakaonekwa.

Misoro yezvitunha zvose izvi yakanga yakachekwa-chekwa nechinhu chakapinza chisina kuzivikanwa kuti chii.

Edward, uyo asina kusiya tsamba inotsanangura kuti sei akaita humhondi hwemhando iyi, anonzi akagara nezvitunha zvemhuri yake kwezuva rose mushure mekupara mhosva iyi.

Vanhu vemhuri yake vose vakanga vapedzisira kuonekwa nemusi weChipiri 3 Ndira asi Edward akaonekwa achiita mabasa epamba zuva rakatevera racho.

Mumhuri yake kwakangosara mwanasikana ane makore 16 okuberekwa uyo aigara natete vake kune rimwe bhuku mudunhu iri.

Vatori venhau pavakashanyira musha wevashakabvu ava – uyo wave dongo kwaSabhuku Ngavaseke Mugomba uri kwaMambo Hata, kuNyanga neMugovera – pamba apa paingova nehama dzaEdward avo vaironga nezvendufu dzevashakabvu ava.

Ropa rakanga rakazara pasi pemubhedha nekumadziro emba yekubikira.

Pakanga paine sando yakavigwa uye yakazara ropa iyo inofungidzirwa kuti yakashandiswa kurovesa vanhu ava.

Mukoma waEdward, VaNicholas Chirombe, vanoti vakapedzisira kuona vemhuri iyi nemusi weChipiri masikati uye Edward vakagumisira kumuona neChitatu zuva rodoka.

“Ndakamushanyira neChitatu asi akandirambidza kupinda pamba pake. Akauya kuzosangana neni kuminda uye airatidza kusununguka nekufara zvakanyanya zvaasingasimboiti.

“Zvinondishungurudza ndezvekuti akauraya vana nemukadzi wake akatisiya tiine mibvunzo yakawanda isina anopindura.

“Zviri pachena kuti akabva abata chibharo mutumbi wemukadzi wake newemwanasikana. Vakanga vakarara pasi misoro yavo yakapondwa-pondwa uye vasina kupfeka kubva muchiuno zvichidzika. Zvakaoma, zvinoshamisa kuti akazviitirei.

“Mapondero aakaita misoro yavo anoshamisa uye zvicharamba zviri mupfungwa dzedu kwenguva refu,” vanodaro VaNicholas Chirombe.

Vanoti munin’ina wavo aiva munhu akanyarara, aisada kuti mhuri yake itaudzane neveruzhinji.

Mumwe mukoma waEdward, VaKelvin Chirombe, vanoti munin’ina wavo nemukadzi wake havana kumbobvira vaita dambudziko muwanano yavo uye rudo rwavo rwaichiviwa neveruzhinji mubhuku mavo.

“Munin’ina wangu aiva nedambudziko rekusataura chinenge chichimunetsa, aingochichengeta mumwoyo. Aifanira kutaura matambudziko aaisangana nawo kwete kuuraya mhuri yake kudai,” vanodaro.

VaDecent Chariwacho, avo vakatanga kuona zvitunha izvi mushure mekudongorera nepahwindo remba yaiva nezvitunha zvevana vatatu zvakakiirwa, vanoti vachiri kunetseka kuti mifananidzo yezvavakaona ingabuda sei mupfungwa dzavo.

“Tendai namai vake vakanga vasina kusimira uye makumbo avo akanga akasimudzwa mudenga. Zvaisanakidza kuona.

“Vakanga vakashama vose uye masiketi avo akasimudzwa kusvika muchiuno, zvinorwadza.

“Ndaibva kudhibhi pandakafunga kuti regai ndipfuure ndichivaona. Ndaifudza mombe dzavo kwemazuva matatu asi ndakanga ndisina kumbotaura navo.

“Pandakauya pano, ndakanzwa kunhuwa ndikafunga kuti pane mhuka yakafa asi hapana chandakaona. Ndakafunga kudongorera nepahwindo, ndipo pandakaona mumwe wevana vakafa ndakabva ndamhanya pamusha uri pedyo paiva nemapurisa aiferefeta imwewo mhosva yakange yaparwa ndokuvaudza,” vanodaro.

Muramu waEdward, Mai Precious Tangai Chirombe, vanoti Edward munhu aisada kutaura nekusangana nevamwe.

Vanoti akanga aita kuti mhuri yake isafarira vanhu vanoshanya pamba pavo.

“Ndinofunga pane zvakadzika-dzika panyaya iyi. Edward nemukadzi wake vaidanana zvakanyanya uye vaigara vari vose. Airambidza mhuri yake kuti isangane-sangane nevanhu zvikaita kuti vana vake vashaye wekutamba naye.

“Pamwe pacho aizvivharira mumba mavo nemhuri yake kana vakaona vanhu vanenge vavashanyira. Aisada kuparadzana nemukadzi wake, chero kurufu kana kumabiko. Vaisada kutaura nevanhu zvakanyanya.

“Akanga asiri munhu aida zvemhirizhonga zvinoita kuti zvitiremere kunzwisisa nyaya iyi,” vanodaro.

Mai Edna Madzivabende

Mai Edna Madzivabende vanova muzukuru wekwaChirombe vanoti Edward nemhuri yake vakaudzwa nezverufu rwaizouya kuchechi kwavakanga vaenda nemusi weSvondo wadarika.

“Vakaudzwa nezvechiitiko ichi kuchechi kwavaipinda. Muporofita akavaudza kuti aiona rufu pamba pavo akati vaifanira kunamata. Ndinofungira kuti havana kuzvitora semataurirwa azvakaitwa, vakangosiyana nazvo.

“Ndinonzwira tsitsi mwana akasiiwa oga, zvichamunetsa kuzvitambira kuti mhuri yose yakatoparara,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi vachiti mapurisa achiri kuferefeta kuti vazive chakakonzeresa kuuraiwa kwevanhu ava.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>