Aponderwa kutumira mudzimai wemunhu ma’text’ erudo

13 Mar, 2024 - 15:03 0 Views
Aponderwa kutumira mudzimai wemunhu ma’text’ erudo Asst Insp Wiseman Chinyoka

Kwayedza

Tinashe Mlambo

MASHOKO akatumirwa panharembozha akakonzera rufu rwemumwe murume wekwaZimunya, kwaMutare, mushure mekurohwa zvakasimba nemuridzi wemukadzi waakanga atumira mashoko aya.

Mapurisa anotsinhira nezverufu rwaHappymore Zimunya wemumusha waChitiyo uyo anonzi akapondwa naZvanaka Zengera (40).

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reManicaland — Assistant Inspector Wiseman Chinyoka — vanotsinhira nyaya yehumhondi uhwu, vachiti mudzimai waZengera, uyo anonzi Natasha (20) aidanana naZimunya muchivande izvo zvakaita kuti azopondwa.

“Izvi zvakaitika nemusi wa2 Kurume apo Zengera aive nemudzimai wake akatambira meseji panharembozha yake. Zengera achiona meseji iyi, akabvunza mukadzi wake kuti ndiyani ainge aitumira asi akamupindura achiti akanga asiri kuziva munhu wacho.

“Akaramba achiti akanga asati amboona nhamba iyoyo munharembozha yake. Zengera haana kugutsikana achibva ati mukadzi wake afonere nhamba dzemunhu aive atumira mashoko panhare.

“Zimunya haana kudaira nhare. Zengera akanyorera Zimunya meseji achizviita saNatasha achikumbira kuti vasangane manheru acho kumba kwavo, mumusha umu mainge muine nhamo saka vanhu vazhinji vanenge vari ikoko. Akati murume wake achaenda kurufu,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Zvinonzi Zimunya akawirirana nazvo ndokunanga kumba kwaZengera manheru iwayo.

“Akaenda kumba kwaZengera ndokunomira pamusuwo weimba yekubikira achikurukura naNatasha. Zengera akanga akahwandira pedyo, ndokuzosvetukira Zimunya achimutema nechitanda mumusoro. Zimunya akaedza kutiza akabva apunzikira pamusoro pedombo.

“Zengera akamutevera ndokunorwisa Zimunya uyo akanga akazvambarara. Akamurova kakawanda kugotsi. Zimunya akanunurwa nemuvakidzani wake, Nisson Zireni, uyo akanzwa kuchema kwake.

“Zimunya akazoenda kumba kwake ndokunorara pabhenji remumba yekubikira sezvo makiyi emubhedhuru aive nemukadzi wake uyo akanga aenda kurufu,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Vanoti mudzimai waZimunya akadzoka kumba mangwana acho ndokuwana murume wake achibuda ropa.

“Mudzimai waZimunya akamubvunza kuti chii chakaitika, akamunyepera kuti akanga adonhera padombo achibva kumariro. Mudzimai waZimunya akamhanya kudzokera kurufu kunotsvaga motokari yekuti iende nemurume wake kuchipatara. Ave kuchipatara, ndipo apo Zimunya akadura kuti akarohwa mushure mekunge abatwa aine mudzimai akaroorwa,” vanodaro.

Zimunya akazofa nekuda kwemaronda ekurohwa kwaakaitwa naZengera.

Mudzimai waZimunya akaudza mukoma wake, Edmore Zimunya, uyo akamhan’ara nyaya iyi kukamba yeZimunya Police Base.

Mapurisa akasvika panzvimbo iyi achibva aona kuti mushakabvu akanga aine ronda rakadzika kumusana.

Mutumbi wake wakazoendeswa kumochari yechipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital kunoongororwa, Zengera ndokusungwa.

“Tiri kushushikana zvikuru nekuwanda kwenyaya dzehumhondi. Tinokurudzira vanhu kuti vasabvumira hasha dzavo kuvakurira kuti vadzivise kurasikirwa neupenyu kunosuwisa kudaro. Zvakakoshawo kuti vanhurume varambe vakavimbika kumadzimai avo,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Share This:

Sponsored Links