Asvitsa makore 16 achigara panze

16 Jan, 2024 - 17:01 0 Views
Asvitsa makore 16 achigara panze Jabulani Bundo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara kuOld Mabvuku, muHarare, anoti asvitsa makore 16 achigara panze pemba yaambuya vake mushure mekudzingwa mumba nedzimwe hama dzake zvichitevera kushaika kwababa vake.

VaJabulani Bundo (44) vanoti vaimbogara kuBulawayo nemurume aiva akaroora amai vavo ndokuzonogara pamba paambuya vavo apo vakazodzingwa mumba nedzimwe hama.

“Pandakabva kuBulawayo, ndakazouya kuno kuHarare ndokugara nababa vangu VaZephania Musaengana Magezi vaiva dangwe pamba apa. Kunyange ambuya vangu vaiva nevamwe vana, hazvina kunetsa sezvo ambuya vangu amai vababa vaiva vapenyu,” vanodaro VaBundo.

Murume uyu anotiwo amai vake, Mai Sandra Bundo, vakashaika mugore ra2003.

“Amai vababa vangu Mbuya Dorothy Dhlakama vakashaikawo mugore ra2003. Pamba apa ndakazosara nanababamudiki vanin’ina vababa ndichigara mumba kunyange zvayo iine makamuri mana chete.

“Pakugovewa kwenhaka yasekuru naambuya, ndipo pandakasiiwa kunze ndichibva ndazodzingwa pamba ndikamboenda kunogara mumigwagwa muguta reHarare,” vanodaro VaBundo.

“Pakaungana vemhuri vanhu vava kugova nhaka ndipo pakatangira munyama wangu, ndakangonzi chibuda mumba ndokuenda mumigwagwa kusvikira ndakazodzoka kuno kumba ndikatanga kugara pamhene panze ndichirara ipapo. Ndakazovaka chimusososo ichi nekushaya kuti ndodii.”

Tangwena iri kugara VaJabulani Bundo

Vanoti nhaka iyi yakagovewa mugore ra2004 ivo vakashaya kana chimwe chete chavakapihwa panhaka yaambuya vavo.

“Ndaita dambudziko rekudzingwa mumba, ndakambogara muchitangwena chaiva panze pemba icho chakapazwa panguva yeMurambatsvina mugore ra2005, ndokutanga zvakare kugara pamhene. Kusvika pari zvino ndiri kungogara panze, mumba makapinda vanababamudiki vangu nemhuri dzavo. Ini ndinogara panze muchikweshe chinonaya mvura, dzimwe nguva chinobuda honye,” vanodaro VaBundo.

VaJabulani Bundo vari muimbi yavari kugara

Murume uyu anoti nekuda kwemagariro ake aya, ava kurwara nemakumbo ayo anozvimba.

“Chimbuzi nemvura ndinoshandisa zvepamba apa. Ndakatadza kunyora mazamanishoni eForm 4 nekushairwa mari. Ndinokumbira ruzhinji rweZimbabwe kune vanogona kundibatsira kuti vandivakirewo imba kudivi risina chinhu pasitendi paambuya vangu nekuti nzvimbo iripo,” vanodaro VaBundo.

Murume uyu anoti haazive kuti kuchidoka kana kuti kuchiedza anodyei sezvo achirarama nekupemha izvo zvakaita kuti arambwe nemudzimai akaenda nemwana mumwe chete musikana.

Imba yenhaka iri kurwirwa. – Mifananidzo naKingstone Mapupu

VaSivhukile Nacho (46) vanove babamudiki vaVaBundo vanoti vakazongoona vadzingwa mumba vasipo.

“Ichokwadi, mwana wemukoma wedu Jabulani Bundo anogara pamhene panze pemba yedu. Kubuda kwake handina ruzivo nako, iniwo ndaisagara pamba pedu apa ndakazongopihwa room imwe chete ndaitawo dambudziko kwandairoja. Kune vakoma vanotonga imba ino kwete ini, dzimba dzenhaka dzinonetsa saka haugone kusimudza musoro,” vanodaro VaNacho.

Vanoti vari kurongawo kubva pamba apa kana vawana mari yekunovaka kusitendi kwavo.

“Ini ndinoshandira kuMarondera ndinouya kupera kwesvondo chete, dzimba dzemhuri dzinonetsa nekudaro zvakanaka kuzvitsvagira kwako kwekugara nekuti munokuvadzana, tasara vakomana 4 paimba iyi,” vanodaro VaNacho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>