Atiza murume murwere achienda kuchikomba chakaroora

02 Oct, 2022 - 15:10 0 Views
Atiza murume murwere achienda kuchikomba chakaroora Silethemba Moyo

Kwayedza

Lorraine Mathe

MUNYAYA yerudo inosuwisa, mukadzi wekuBulawayo anonzi akatiza murume wake waagara naye kwemakore 20 mushure mekunge aita dambudziko rekuoma mitezo yemuviri achibva aenda kune mumwe mudiwa wake anova akaroora uyo akatizawo mudzimai wake.

Idah Dimba anonzi akasiya murume wake, Mike Ngwenya (47), mushure mekunge aoma mitezo achibva aenda nechikomba chake, Brighton Mlilwana, uyo anonziwo akasiyawo mudzimai wake Silethemba Moyo.
Ngwenya wekuNjube anoti akarwadziwa zvikuru apo mudzimai wake akatizira kuchikomba chake musi wa25 Nyamavhuvhu ndokumusiya nemwanasikana wavo.

“Paakaenda, ndakafunga kuti akanga aperekedza amainini vake kumaruwa sezvavakanga vambondiudza. Ndakatozoshamisika pandakanzwa vamwe vanhu vachindiudza kuti Idah akanga aonekwa muno muNjube uko ava kugara naMlilwana,” anodaro Ngwenya.

Anoti Dimba asati amusiya, vaigara vachinetsana sezvo aiva netsika yekuunza zvikomba zvake kumba uye anonzi airara naye iye aripo.

Mike Ngwenya

‘‘Wananano yedu yakagara iine dambudziko nekuti iye Idah aitombounza chikomba chake ichi pamusha achirara nacho ini ndiripo, vanga vatova nenguva vachionana.

“Aigara achiuya naye kumba. Pandakanyunyuta, ndipo paakatanga kutaura mashoko ekuti ava kuenda sezvo akanga asingachadi kugara neni.
“Kubva paakaenda, akambondifonera achiti ari kuuya kuzotora mbatya dzake asi haasati auya kuzodzitora,” anodaro Ngwenya.

Izvi zvinoreva kuti Idah haana kungoparadza wanano yake chete, asi neyaMoyo sezvo akatizira kumurume wake.
Moyo anotiwo murume wake akamugura kunorira.
“Tisati taparadzana, murume wangu akanga andiudza kuti pane mukadzi waanofanira kutora semudzimai wake wechipiri.

“Mumwedzi waNyamavhuvhu pandakadzoka kubva kuSouth Africa kwandakanga ndashanyira, ndakarohwa nehana pandakawana aina Idah mumba. Nekuda kweshungu, ndakabva ndabuda mumba kuti ndinogara nehanzvadzi yangu sezvo ndaiona zvakaoma kuti madzimai maviri akaroorwa nemurume mumwe chete vagare vose pasi pedenga remba imwe chete,” anodaro Moyo.
Paakabvunzwa nezvenyaya iyi, Dimba akataridza kutsamwa kukuru uye akaramba kupindura mibvunzo yese yakabva kumunyori uno.
Chikomba chake, Mlilwana chakarambawo kutaura chichiti havasi kufara nemabvunzirwo avakaitwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>