Atorerwa mukadzi nemuvakidzani

27 Mar, 2023 - 17:03 0 Views
Atorerwa mukadzi nemuvakidzani Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare anoti ashaiswa rugare nemuvakidzani wake uyo ari kudanana nemudzimai wake uye anouya nesvikiro pamba pake achida kuti vataurirane nyaya iyi.

Isaac Saini audza dare reHarare Civil Court kuti Tichaona Manyemba ari kuuya kumba kwake nesvikiro achimumanikidza kuti vataurirane nyaya yemukadzi wake waanodanana naye.

“Anofona achiti anoda kuti titaurirane nyaya yekuti anodanana nemudzimai wangu. Rimwe zuva akauya nemumwe mukadzi uyo anoti ndiambuya vake asi ndakazoona kuti isvikiro uye havana ukama zvachose. Mukadzi uyu anotiwo haana hama muHarare zvakare,” anodaro.

Manyemba anopikisa mashoko aya achiti haatuke Saini asi kuti anoda kuti akumbire ruregerero kwaari zvichitevera kudanana kwaari kuita nemudzimai wake.

“Hongu, ndakadanana nemudzimai wake kwemakore mana mushure mekunge andikwezva kuti tidanane. Iko zvino ari kuramba kuti tisiyane sezvo ari kuti ndatove murume wake uye hazvichaiti kudzokera kune murume wake nekuda kwekuti mabasa edu akazobuda pachena,” anodaro Manyemba.

Saini anotiwo Manyemba ari kuti nyaya iyi inofanira kutongwa namambo.

“Ndiri kushaya kuti anoda kuti itongwe namambo upi nekuti iye anobva kuNyanga ini ndinobva kuUzumba, zvinoitawo here mambo wangu? Ngaarege kundishungurudza nekuramba achindichaira nhare,” anodaro.

Mutongi Tamara Chibindi vanoti vaviri ava vadzoke kudare munguva pfupi iri kutevera mushure mekunge vaongorora nyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>