Aya mamhepo, kuchiva amai?

15 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya inoshamisa pamwe nekukahadzisa zvikuru — nyaya yemumwe mwanakomana ane makore 21 okuberekwa anogara kuNketa 9, kuBulawayo — uyo anonzi akamhan’arirwa kudare redzimhosva naamai vake vekumutumbura mushure mekunge avashungurudza achivachiva nekuda kwerunako rwavo zvekuti anoti anoda kutopinda navo pabonde.

Amai vemukomana uyu vanoti vazosvika pakunopotera kudare nechikonzero chekuti vave kutya kuti mwanakomana wavo uyu anogona kupedzisira avabata chibharo.

Mudzimai uyu anoti mwanakomana wake uyu anogara achitaura nezverunako uye chimiro chavo achivakumbira kupinda navo pabonde.

Mwana asina hunhu zvachose uyu anonzi anoudza amai vake kuti ‘futi muri muyellow bone’ zvichireva munhukadzi wechitema asi ane ganda rakaita kunge remuchena.

Mudzimai uyu anoti zvakare mwana wake paainge achiri kuchikoro, aive nedambudziko rekutora zvinodhaka.

Zviri kuitwa nemwanakomana uyu ndizvo zvinonzi chisionekwi mudzi webwe kana kuti mashura padunhu.

Chokwadi kuti mwanakomana angaudza amai vake nyakumutumbura nezverunako rwavo uye kusvika pakuvachiva zvekuda kuenda navo pabonde?

Nyika ino iri kuendepi chaizvo uye hunhu hwedu netsika zviripi?

Kunyangwe zvikanzi mwanakomana uyu anotora zvinodhaka, handizvo zvingaite kuti asvike pakuchiva amai vake zvakadaro.

Kune vamwe vakadzi vakawanda kunze uko vanova ma”yellow bone” vaanokwanisa kudanana navo kwete kuzvisikira moto muziso nekushaya hunhu zvachose kuburikidza nekuchiva amai vakamubereka.

Pachivanhu, mwanakonana uyu akatoparamura ngozi ichazomunetsa pamwe chete nemhuri yake mune remangwana.

Achida asingade, anotofanira kuenda kumusha kwaamai vake onozvipira kumadzisekuru — hanzvadzi dzaamai vake — oripa nekuda kwezvaari kuita izvi nekuti kana akasadaro amai vake pavanozofa, ngozi yavo ichazopfuka.

Munhu chaiye ane pfungwa dzakati kwesere haasvike pakuita hunhu hwakafumuka kudai.

Kana kuti uti kubatira tsika dzemamwe marudzi pamusoro kwave kuita kuti vamwe vanhu vasvike pakurasa hunhu kudai unobva wazvishairwa shumo yazvo.

Nguva pfupi yadarika, Kwayedza yakabuditsazve nyaya yemumwe murume wekuGokwe uyo akamiswa mudare ramambo weko nekuda kwemhosva yekuita chipini chekuenda pabonde naamai vake.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi murume uyu naamai vake vaishinha vose vachinyatsoziva zvavaiita semhiko yekusimbisa bhizimisi rakasiiwa nababa vake vava mushakabvu.

Murume uyu naamai vake havana kana kumbonyara apo vakamiswa mudare ramambo sezvo vakatsinhira kuti vanoshinha vose kamwe chete pamwedzi, vachiti ndizvo zvavakaudzwa nen’anga kuti vaite kuti bhizimisi ravo rezvitoro rirambe richibudirira.

Kana madiro acho upfumi, munhu kusvikira pakushinha naamai vakakutumbura nenyaya yekuda mari chete?

Madzishe anofanira kuranga zvakaomara vanhu vakadai.

Tsika nechivanhu chedu zvinofanira kuramba zvichicherechedzwa nekuti ndizvo zvinoumba hunhu hwedu.

Share This:

Sponsored Links