Azvambura mudzimai ashaya mutoriro

21 Sep, 2021 - 14:09 0 Views
Azvambura mudzimai ashaya mutoriro Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUNYAYA ine chekuita nemhirizhonga yemudzimba, murume wekwaSeke anonzi akazvambaradza mudzimai wake nezvibhakera, mbama pamwe nekumutema nesimbi achimupomera mhosva yekuviga mutoriro wake wakanga uri muhomwe yetirauzi.

Gabriel Tinashe Mupare (33) wepanhamba 18508 Unit L, Chitungwiza anonzi akazvindikita mudzimai wake Precious Nemukuyu (19).

Mupare anorambisisa mhosva iyi pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Court, VaBrighton Danana, achiti akatema mudzimai wake nendiro, kwete nesimbi.

Zvisinei, kutongwa kwenyaya iyi kuchaenderera mberi nguva inotevera sezvo mumhan’ari asina kuenda kudare izvo zvakaita kuti atumirwe magwaro ekumudevedza.

Muchuchisi Nomsa Kangara anoudza dare kuti nemusi wa30 Kubvumbi gore rino, Mupare anonzi akasvika pamba ndokubva apaka motokari yake achibva aenda kunogeza.

Mushure mekugeza, anonzi akaona muhomwe yetirauzi rake musisina mutoriro wake achibva atanga kupomera mudzimai wake kuti ndiye ainge atora kabhodhoro kake kezvinodhaka zvisingatenderwe pamutemo aka.

Izvi zvinonzi zvakamutsa bongozozo mumba apo Mupare akatanga kurova mudzimai wake nembama, zvibhakera pamwe nekumutema nesimbi zvikaita kuti akuvare zvakanyanya mumusoro uye maziso ndokusara akatsvuka neropa.

Matsamba ekwachiremba akavheneka mudzimai uyu akaburitswa mudare seumbowo.

Pazuva rekutanga raakapa rutivi rwake mudare, Nemukuyu akati: “Murume wangu anogara achinwa kadoro kemutoriro zvinova zvisingandifadzi saka kazhinji kacho ndinosiutora ndichiviga asi ndichizouburitsa kana achinge aramba achinetsa.

Saka pazuva iri akabva kubasa kwake ndokupaka motokari achienda kunogeza, ndipo paakabuda achindipomera mhosva yekutora mutoriro wake asi ndainge ndisina kana kuutora achibva atanga kundirova nezvibhakera, mbama uye simbi ndikasara ndakuvara musoro nekumeso.”

Achivhika mhosva, Mupare anoti akatema mudzimai wake nendiro kwete nesimbi.

Share This:

Sponsored Links