B & P Study Centre iri kusimukira

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
B & P Study Centre iri kusimukira

Kwayedza

. . . yokoshesa tsika nemagariro

CHIKORO cheB & P Study Centre, icho chiri kwaSeke, chiri kukoshesa zvikuru nyaya dzekuchengetedza tsika nemagariro zvinova zvinofambirana nezvirongwa zvedzidzo uye chakavaka muzinda unochengeterwa midziyo yechivanhu (culture house) uyo uri kubatsira vana vepo kuti vazive nhoroondo yenyika ino.Muzinda unochengeterwa midziyo iyi une zvinosanganisira hosho, ngoma, makano, hari, migoti, misika, tsero, choto, garavakwati, duri, mitswi, matengu nezvimwe zvakasiyana.

Mukuru wechikoro ichi, VaGodwin Mavurayi, vanoti kuvaka kwavakaita Culture House pachikoro chavo kunobatsira kuti vana vadzidze pamusoro pezvinhu zvavanenge vachiona.

“Apa takaedza kuti kumusha kuuye kuno kuburikidza nekuunganidza midziyo yose inowanikwa kumusha muCulture House medu. Tinoona zvichibatsira vadzidzi nekuti vamwe havasati vamboenda kumamisha, saka vanotoonera midziyo iyoyi pano uye zviri kubatsira kuti vange vachibudirira muzvidzidzo zveShona.

“Tinofara zvikuru kuti bepanhau reKwayedza nekune rimwe divi riri kurerutsira vadzidzisi nekuti rine mupande unofundisa kugadzirira mazamanishoni,” vanodaro.

Kunze kweizvi, vanoti chikoro chavo chiri kubudirirawo munyaya dzemitambo yakaita senhabvu nemhandamatsimba (rugby) uye gore rapera vakatora chinzvimbo chekutanga mumakwikwi emitambo iyi pamaMerit Awards akaitwa kudunhu reSeke.

“Tiri kuda kuti tipinde mitambo yakaita sekutuhwina necricket inova yaimbonzi ndeye maGroup A Schools nekuti yakakosha mukuvaraidza vana pamwe nekuzovapa chouviri mune ramangwana, Ndimo mavanobura zvakare mabasa avanoda kuzoita muupenyu,” vanodaro VaMavurayi.

Vanoti chikoro chavo chiri kusimukirawo panyaya yezvekufambisa izvo zviri kubatsira mukutakura vana vanogara kure sekuHarare neMarondera.

“Panyaya dzezvekufambisa, tave nemabhazi akawanda achafamba zvinhambwe zvinodarika 40km achitakura vana vanobva kuHarare neMarondera. Mudzimba dzekudzidzira dzedu vana, havagare vakamanikidzana nekuti tinotevedza huwandu hwakatarwa neHurumende, havadarike 30 mukirasi. Kuwandisa kwevana mukirasi kunoderedza dzidzo yavo uye mudzidzisi anowandirwa nebasa zvichikonzera kudofora,” vanodaro.

Director wechikoro ichi, Reverend Bigboy Gawa, vanoti chakavambwa mugore ra2013 uye vari kutarisira kuchivandudza kuburikidza nekuvaka bhodhingi kwaSeke nekuKariba kuitira kurerutsira vana vanobva kure.

“Muchidzidzo cheShona, mugore ra2015 vana vedu veGrade 7 vakabudirira nechikamu che98,3% asi gore rapera vakasunga dzikasimba vakaenda pa100%. Tinotenda zvikuru zvinyorwa zvedzidzo zvinowanikwa mubepanhau reKwayedza uye nyaya dzirimo dzinokodza muto. Dzinoita kuti vana vagonewo kushandisa zvirungamutauro apo vanonyora rondedzero dzavo,” vanodaro Rev Gawa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>