Baba vabatsirana nemwana kuponda mwana

12 Sep, 2022 - 15:09 0 Views
Baba vabatsirana nemwana kuponda mwana Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MURUME wekuSilobela aive nemakore 35 ekuberekwa anonzi akafa mushure mekurohwa nababa vake vachibatsirana nemukoma wake uye vakaita wekusungirira pamuti husiku hwose.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko vanoti nyaya iyi yakaitika kuSilobela neChitatu svondo rapfuura.

Vanoti Misani Nyathi anonzi akafa mushure mekurohwa nemupinyi wedemo uye nematanda kakawanda mutumbi wakr wose nababa vake Kefas Nyathi (63) nemukoma wake Polite (37).

Insp Mahoko vanoti zvinonzi nemusi weChitatu chadarika nenguva dza8pm mubhuku raMzathana, kwaMambo Sigodo, kuSilobela, Misani akatyisidzira kuti anoda kuuraya baba vake nenyaya isina kujeka.

“Zvinonzizve Misani airatidza kuti akanga ava kurwara nepfungwa. Akaita zvechisimba ndokutyisidzira baba vake kuti aizovarova. Pakava nebopoto pakati pevaviri ava uye Polite, uyo anova mukoma wemushakabvu, akapindira achida kudzivisa Misani.

“Vaviri ava vakakwanisa kukunda Misani vachibva vamusungirira pamuti nemadreadlocks ake netambo. Vanonzi vakazochinjana kumurova muviri wose,” vanodaro.

Insp Mahoko vanoti mangwanani ezuva rakatevera kuma8am, vavakidzan, Sheila Dube (48) naDavid Mpofu (62), vakasvika pamusha pemhuri yekwaNyathi vakawana Misani asisina simba uye achigomera nekurwadziwa apo aive akasungirirwa pamuti.

“Vakamusunungura, ndokumubatsira kugeza ndokuzomusiya ari mumaoko evasungwa ava. Kuma5pm, Misani akafa akagara pasi pemuti. Mapurisa akaenda kunzvimbo iyi apo vaviri ava vakabva vasungwa. Mutumbi uyu wakazoendeswa kumochari yeSilobela District Hospital,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links