Baba vanhumburisa mwanasikana . . . hanzi ‘tinodanana’

09 Feb, 2024 - 16:02 0 Views
Baba vanhumburisa mwanasikana . . . hanzi ‘tinodanana’ Regai dzive shiri

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME ane makore 51 ekuberekwa anogara kuHeaney Junction, kuUmguza, mudunhu reMatabeleland North – uyo ari kupomerwa mhosva yekubata mwanasikana wake chibharo kusvikira abata pamuviri – akashamisa dare reBulawayo Magistrate’s Court apo akati anodanana nemwana uyu.

Murume uyu, uyo asingakwanise kuburitswa zita rake senzira yekuchengetedza mwanasikana uyu, akamiswa pamberi pemutongi VaMatthew Mutiro achipomerwa mhosva yekubata chibharo.

Haana kuramba mhosva yake sezvo achiti aidanana nemwanasikana wake uyo akamukumbira kuti vasherekete vose kumba kwavo.

Murume uyu akanzi agare muhusungwa kusvika musi wa8 Kukadzi apo anozopihwa mutongo.

Achitaura mudare, murume uyu anoti nemusi wa22 Zvita gore rakapera, akadzokera kumba manheru ndokuwana mwanasikana wake akarara pamubhedha muimba yababa yekurara.

Anoti akamumutsa kuti arare muimba yekubikira. Pakarepo, pfungwa dzakaipa dzakazadza musoro wake akabva amuvhariridza kuti asabude.

Nekusanyara, murume uyu anoti vakadyisana machipisi nemwanasikana wake pashure ndokuzomumhirizhonga.

Murume uyu anodura kuti izvi zvakadzokororeka kwemazuva achipa mwana uyu machipisi.

Anoti mwanasikana wake akazomuka husiku ndokunomhan’ara nyaya iyi kune mumwe anoshanda nekomiti inoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda yavo (neighbourhood watch committee) zvikaita kuti asungwe.

Dare rakaudzwa kuti nemusi wa22 Zvita gore rapera, mudzimai wemurume uyu akabva pamba achienda kuMasvingo kuzororo reKirisimasi.

Mwanasikana uyu akasiiwa achichengetwa nababa vake uye pamba pakanga pasina vamwe vanhu.

Share This:

Sponsored Links