Baba vazviuraya varwiswa nemwana

01 Jun, 2023 - 17:06 0 Views
Baba vazviuraya varwiswa nemwana Sergeant Major Samuel Chikasha

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaSabhuku Mbisva, kwaMambo Makope, kuChiweshe, anonzi akafa nekuzvisungirira mushure mekurwisana nemwanakomana wake nekuda kwenyaya dzemumusha mavo.

Steven Mubaiwa (56) anonzi nemusi wa26 Chivabvu nenguva dza1 masikati, akarwa nemwanakomana wake, Nicholas Mubaiwa (37), nekuda kwenyaya dzemumusha mavo.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central – Sergeant Major Samuel Chikasha – vanoti nemusi wa29 Chivabvu nenguva dza12 masikati, mudzimai waSteven Mubaiwa – Zione Andiseni (50) – akataurirwa nemurume wake kuti akanga ava kuzviuraya sezvo aiti mudzimai uyu aitsigira hunhu hwemwanakomana wavo.

“Steven Mubaiwa anonzi akatora waya kubva pachivanze pavo achibva apinda mumba, ndokukiya nemukati zvikaita kuti mudzimai wake atadze kurivhura gonhi nekunze. Akabva amhanya kunozivisa Benard Mukono (64) wemumusha mumwe chete uyo anova sekuru kumufi,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

Panguva iyi, zvinonzi mudzimai waSteven Mubaiwa naBenard Mukono (23) vakazobatana vakakwanisa kupwanya nekuvhura gonhi iri ndokuwana mutumbi wake wakarembera pabango remumba umu wakasungwa newaya.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa epakamba yekuChombira.

Mutumbi uyu wakawanikwa usina mavanga uchibva waendeswa kumochari yechipatara cheConcession.

“Nyaya iyi iri kufambira mberi nekuferefetwa kuchitsvagiwa chaizvo zvakaitika. Kana paine zvinonetsa mumisha, vanhu ngavatsvage vayananisi vakaita semasabhuku, madzishe, makanzura, mafundisi kana isu mapurisa tine chikamu chinodyidzana neruzhinji,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>