Batsirai kurapisa amai nemwana vakakuvara mutsaona

28 Feb, 2024 - 19:02 0 Views
Batsirai kurapisa amai nemwana vakakuvara mutsaona Mai Meggie Mugwagwa vachitgaridza ruoko rwakatyoka - Mifananidzo naTinashe Chitwanga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anogara mumusha weKuwadzana, muHarare, uye kumusha achibva kuMhondoro Ngezi, ari kutsvaga rubatsiro rwemari yekurapwa pamwe chete nemwanasikana wake mushure mekuita tsaona nebhazi zvikaita kuti vose vakuvare zvakaipisisa.

Mai Meggie Mugwagwa (52) avo vakaita tsaona nebhazi vachibva kubasa vaine mwanasikana wavo, ndokutyoka ruoko mwana akatyokawo gumbo, vanoti havana chavakabhadharwa nevebhazi ravakaita tsaona naro.

Mudzimai uyu akaita tsaona nemusi wa17 Chikumi 2020 ndokumbogara muchipatara.

“Mutsaona iyi ndakatyoka ruoko rwekuruboshwe nekukuvarawo dzimwe nhengo dzemuviri wangu. Mwanasikana wangu asingagone kutaura nekunzwa, Prisca Nyagara (30), akatyokawo gumbo rekuruboshwe. Kurapwa kwangu nemwana tiri kuda mari inodarika US$600 sezvo pari kudiwa scan, mishonga nezvimwewo,” vanodaro Mai Mugwagwa.

Vanoti mwanasikana wavo, uyo akaenda kumusha kunogara naambuya vake, ari kudawo kuongororwa musoro wake sezvo vachiti pane fungidziro huru yekuti anogona kunge akakuvara musoro mutsaona iyi.

“Ndaishanda basa rekusona pane imwe kambani asi nekuda kwetsaona iyi ndakabva ndamiswa basa uko ndisina chandakapihwa zvakare. Semunhu anoziva basa rake, ndinokumbirawo kune vanokwanisa vandibatsirewo nemichina yekusonesa nemachira neshinda kuti ndikwanise kuzvishandira ndotsvaga vanogona basa rekusona iri.

“Handina murume anondibatsira, ndine vana 4 kusanganisira akakuvara uyu uyewo manyambiri vari kuenda kuchikoro vari kuita Form 3 nemumwe mudiki ari kuita Grade 6,” vanodaro Mai Mugwagwa.

Nekuda kweruoko rwavo rwunogara rwuchirwadza, vanoti hapana basa ravanogona kuita pamba.

“Imba yandinogara ndeyekuroja inova duku zvikuru nevana vangu vakura. Mumwe mwana ari kugara kumusha kunova kuremedza vabereki vangu avo vanorwara zvakare. Ndinodawo pakatambanuka pekuti ndigare nevana vangu vose,” vanodaro Mai Mugwagwa.

Kune vanokwanisa kubatsira Mai Mugwagwa vanovabata panhatre dzinoti 0773 448 797 kana 0719 859 395.

Mudzimai uyu anoti ave kurarama nekupemha mumigwagwa.

“Upenyu hwangu hwakaoma nemhuri, ndinoti kurwara kwangu nekwemwana uyewo kutsvaga mari yekudya neyekurenda nemaschool fees zvakare. Ndakaona kuti ndikagara ndinofa nenzara saka ndinoenda paMagetsi kuKuwadzana mumugwagwa weHarare-Bulawayo apo ndinogara ndichipemha.

“Ndinopindawo mumabhazi ndichipemha kunosvika kwandinenge ndaburukira kungava kuNorton kana kuSelous ndodzoka nemamwe mabhazi ndichingodaro. Ndinoswera mumabhazi ndichikumbira kuti mhuri yangu ikwanise kurarama,” vanodaro Mai Mugwagwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>