‘Chakandituma kuita chipfambi . . .’

17 Dec, 2022 - 13:12 0 Views
‘Chakandituma kuita chipfambi . . .’ Ruth (22) nemwana wake

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

“NDAKATANGA kupinda munyaya dzepabonde ndichiri pwere chaiyo, zvekumakore 10 ekuberekwa apo vamwe vanhu veukama nevamwewo vaingoita dambiro pandiri senherera.

“Handina kana kumhan’ara nyaya idzi kumapurisa nekuti vanhu vose vaindibata chibharo ava vaibva vandipa mari kana zvimwe zvinhu kuti ndinyarare. Kubva ipapo, ndakajairira chibharo, kusvika ndava kutozvifarira.

“Nhasi uno ndava kutotengesa muviri nekuti zvava mandiri,” anodaro Ruth (22) uyo anogara kuEpworth.

Ruth anoti atova nemakore anodarika gumi achipinda munyaya dzepabonde nevarume vakawanda uye pari zvino ari kutoyamwisa mwana waasingatozivi kuti ndiani baba vacho.

Vanotengesa muviri vachifundiswa kushandisa kwakanaka kwemakondomu

Anobvuma kuti ane mikana yakakura yekutapurirwa hutachiona hweHIV sezvo pamwe pacho achishandisa dziviriro yemakondomu kune makasitoma anenge achibvuma, asi kune vamwe vaye vanoda “feya-feya” anoti haarambe, chero vakamupa mari yerendi neyekuriritira mwana wake yaanoda.

“Pari zvino ndakanga ndava nevarume vaviri avo vandinoti ndivo veupenyu hwose (permanent boyfriends), saka ndivo vandainyanya kuita navo bonde risina dziviriro. Mwana handizivi kuti ndewani uye handina hangu hanya nekumbotsvaga Tinashe Mugabe (wekambani yeGlobal DNA Zimbabwe inoita ongororo yeDNA) kuti ndikokorodze varume vose vandakasangana navo nekuti vakawandisa – chaizvo.

“Chakakosha ndechekuti ndiri kutengesa bonde ndichichengeta mwana wacho. Magwaro ekuzvarwa ini handina uye mwana haanawo, asi tinorarama takadaro,” anodaro.

Ruth akataura mashoko aya pazuva rakashanyirwa nzvimbo yeEpworth nevatori venhau vachitungamirirwa nesangano reNational AIDS Council (NAC) kuti vadzidze zvizere maringe nevanhu vanotengesa muviri uye matanho ari kutorwa nesangano iri kuti vachengetedzeke kuutano hwavo.

Vamwe vanotengesa muviri vari pabhesi ravo reBooster kuEpworth

“Patinoenda kunotengesa muviri munguva dzemanheru, tinosarudza mudzimai mumwe chete anosara nevana vedu tose, todzoka tichimupawo maUS$1 pamunhu zvekuti anogona kutowana US$10 pazuva. Vana tinovatengera mahewu, mayogati nemazepi – ndizvo zvavanosara vachipihwa nekuti hatina mafiriji ekuti tisiye tasvinira mukaka.

“Upenyu hwacho hunorwadza asi ndiro basa randakaona richindiitira. Remumba, ndakamboriedza asi ndaingoshungurudzwa uye mari yaive shoma,” anodaro Ruth achiratidza kurwadzikana.

Ruth anobvuma kuti pane mikana yakakura yekuti atapurirwe hutachiona hweHIV sezvo vamwe varume vachimushandisira chisimba panguva yebasa rake.

“Tinomboenda kunotsvaga makasitoma edu kunjanji uko, saka vamwe vanoita zvekutengesa muviri vanova vakuru kwatiri vatinodaidza kuti ‘Magogodera’, vanotirova nekutidzinga vachiti isu vechidiki tinochaja mari yakawanda zvinoita kuti ivo varasikirwe nemakasitoma. Patinochaja US$3 kusvika US$5 pamaminitsi matatu, ivo vanenge vachiti tiite US$1 kana US$0,50c.

“Tinotenda sangano reNAC rakatidzidzisa nezvemishonga inobatsira mukudzivirira kutapurirwa hutachiona hweHIV yema(Pre-Exposure Prophylaxis (PREP) uye makondomu tinawo mazhinji nezvekuzora kuti asaputike (water based lubricators),” anodaro.

Tendai Magutsa, mumwe wevanotengesa muviri, anoti vakambobatsirwa nesangano reSprings for Life Zimbabwe kuti vaite mabhindauko ekubika chingwa, asi vakazodya mari yacho, izvo zvakaita kuti bhekari racho riparare.

Anoti pakavamba chirwere cheCovid-19, vakatanga kushaiwa makasitoma zvikaita kuti vapedzisire vodya mari dzebhizimusi rechingwa.

“Ini ndiri PREP champion, kureva kuti handina hutachiona hweHIV asi ndinoshandisa mishonga yemaPre-Exposure Prophylaxis kuti ndisatapurirwe hutachiona kana tichinge taita bonde risina dziviriro kana kuti pachinge paita tsaona yekuputika kwemakondomu. Basa redu rinorwadza nekuti pazuva unosangana nevanhu vakasiyana vapfupi, varefu, vatete, vadiki kana haridzofanzirofa. Asi nekuda mari, unotoshinga.

“Basa rekutengesa muviri rinoita kuti munhu uiite kunge bhiza nekuti unosara wava nezvivindi zvakanyanya kana kuva nehutsinye nevamwe,” anodaro Magutsa.

Anokurudzira vamwe vake kuti vavhenekwe hutachiona hweHIV vazive pavamire sezvo akawaniswa dzidziso nemachiremba emunharaunda iyi uye sangano reNAC nevamwe vatsigiri.

“Ini hangu ndikawana zvekuita, zvekutengesa bonde ndinosiya nekuti tanzwa nekufamba, varume havachawanikwe zvekumhanya. Bonde redu harisi rekufadza vanhu, manitsi maviri tinenge tatopedza toenda kune mumwe.

“Anenge achida dambarefu anotowedzera mari, hatipo pakugutsa varume isu,” anodaro.

VaAnderson Marimbi, avo vanova data entry clerk paEpworth Poly Clinic, vanoti vanoshanda nevanhu vanotengesa muviri (key populations).

“Pama’key populations’, tinoreva madzimai nevasikana vanotengesa muviri, varume vanotengesa muviri nevarume vanoita bonde nevamwe varume. Tinovabatsira kuti vawane mishonga yavo nenguva uye kupangwa mazano nekuti vanhu ivavo kana tikavasiya muzvirongwa zvedu, dambudziko rekunyuka kwenyaya itsva dzeHIV rinoramba richiwanda munyika.

“Vasikana ava vanopinda pabonde nevanhu vakawanda mukati menguva diki ratinoti bonde redandemutande. Vanofamba nzvimbo nenzvimbo, nyika nenyika zvekuti vanogona kukwira gonyeti vofuma vava kuSouth Africa vachitengesa bonde kudaro,” vanodaro.

Precious Msindo, uyo anova murongi kusangano reSprings of Life, anoti vanobatsira vanotengesa muviri kuti vawane dziviriro, mishonga yezvirwere zvepabonde uye mumabhindauko akasiyana kuti vawane chouviri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>