Chigange anoudza Ishe Chokupamba nyaya yavafambira

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 11 (Nyaya yacho:
Enderera mberi)

Panoti pava paya ndokuona mumwe murume aidzveta nechekumatanga emombe achiita seanozeza kuuya kwavari. Chigange anomushevedza ndokumubvunza kana ari wemusha uyu iye ndokuti hongu, ko ivo ndivana ani? Chigange anomuudza kuti vaive nhumwa dzabva kwaMutenure dzaive nemashoko aishe wadzo. Ngavauye vataurirane sezvo vainge vasingadi zvekurwisa. Vachinzwa mashoko okuti vaive varwi vaIshe Machingauta vainge vachiri kuyeuka here Revai, Chokupamba anorohwa nehana ndokugamwa naTafirei shamwari yaRevai oda kuwira pasi. Vabvunzwa vanoudza Ishe Chokupamba kuti Revai aive mwana waTiritose uye aive neupfumi hwakawanda uhwo paakafa vakapamba ndokugovana. Vakabata Revai semuranda ndokumudzinga kwava kusara vachidya pfuma yake. Panove nekuura mukati memauto aShe Chokupamba izvo zvinoratidza kunakurirana mhosva. Ishe uyu anopusa nazvo ashaya kuti zvipfuyo zvese zvakawanda kudaro zvakasiiwa naTiritose zvongoenda madhongi achikuma here.

Harahwa inozoshinga kutaura kuti zvino vati voita zvekudiniko nazvo Chigange ndokuti ishe wavo anoti vavape upfumi ihwohwo kana zvakona voona mamwe mazano avangaita vadzokera. Ishe Chokupamba anoti haana zvose zvavanotaura ipapo saka ngavadzokere kuna mambo wavo vomuudza kuti Tiritose hapana chaakasiya kunze kwemwana wake chete.

Chigange anoona kuoma kwenyaya ndokuti vainge vasingadi kuratidza unyanzvi hwavo nokudaro vava kudana godobori rake kuti vazvionere zvavauya nazvo iro raive nemaguchu ake akanunira mafuta mumusoro aine ngundu yembada ine muswe wejerenyenje uye akapfeka dehwe rembada, matehwe akawanda etutambo twemhuka dzakawanda ari mhapa dzake.

Mukuru uyu anotaura achisvipa zishato izvo zvinoshamisa munhu wose mauto aIshe Chokupamba anoti mwanda kutiza ndokuzoungana vabata hana nekutya. Nyoka iya inozvonyongoka kwava kudzokera kuna Choruma ndokusvikopinda munhava yake.

Anoenderera mberi nekuita mashiripiti ake dumbu rake rikave mumashure, musana ukave mberi. Panosvika shumba, Choruma akati handei mberi. Varwi vaChokupamba vanotarisa kumatanga asi hapana chavanoona, Chigange anongoyeva zvake. Anovati vatarise maziso ake, anoda kuvapa rimwe ziso rake kuti vadye sekudya kwavakaita Tiritose.

Zvechokwadi anobva abvisa ziso rorudyi ndokuribata kwava kurikanda pameso pamambo. Iye Choruma wacho anoramba akavhara vanga racho raakabvisa ziso achiona nerimwe chete.

Ishe Chokupamba anokanda ziso riya razara mavhu iye Choruma ndokuridzosera panzvimbo yaro semabvisiro aakange amboita. Vanhu havanyatsokuzviona zvakajeka. Chaityisa ndechokuti aiti kana achida zvake aigona kusandutsa munhu akave gudo.

Choruma anovhundutsira ava nepamusaka pezvavakaita ndokuti Chigange amupe pfumo rake munhu ndokusvetuka-svetuka wanei zvobva zvaita manenji. Anoudza mambo kuti anoda kukanda pfumo rake iri mudenga umo rinobva rati nyakatamo mauto aChokupamba ndokuti kanha nazvo vobva vatenda kuti rakange ratumwa semataurirwo azvo.

Chigange semukuru anotaurira Ishe Chokupamba kuti vasunge dzisimbe asati ataura zvaitevera. Ainge ane mashoko here aangataure? Anobva avatsvinya zvekuti zvinoshamisa Chigange nemauto ake kuti ishe akanga asina kutombotya zvose zvaakanga aona zvichiitwa naChoruma.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>