CHISHONA CHAKANAKA

11 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Madimikira aya anorevei?

  1. Kumera zenze – kuita manyemwe
  2. Kuseura gotsi – kunyeya munhu
  3. Kuita tsika nditsikewo – kuwirirana zvikuru
  4. Kugura mabvi – kupedza simba/kunetesa
  5. Kuisa maoko – kuombera/kukwazisa

* * *

ZVAKABVA KUVANA

Lindy – 1. kumera zenze – kuita manyawi; 2. kuseura gotsi – kureva/kunyeya; 3. kuita tsika nditsikeo – kuwirirana; 4. kugura mabvi – kupedza simba; 5. kuisa maoko – kuombera

* * *

Mike Mikairi Mickyman – Totenda maruva tadya chakata.

* * *

Providence Garufu – Murombo haarove chine nguo.

* * *

Tadsan, Gazaland – Totenda yavira hari yedemhe.

* * *

Mai Linda Lobengula Extension, Bulawayo – 1. manyenwe; 2. kunyeya; 3. kunzwanana; 4. kupererwa; 5. kubatsira.

* * *

Maxwell Manatsa, Umback Kadoma – 1. kuonererwa; 2. kunyeya; 3. kuwirirana; 4. kushamisika; 5. kumhorosa.

* * *

Beloved Manatsa – Totenda dzamwa dzaswera nebenzi.

* * *

Tendai Mukute, Grade 7, New Vision Academy, Budiriro 5B – 1. kufarisa; 2. kunyeya; 3. kuwirirana; 4. kunzwa chinhu chinokupedza simba; 5. kuombera/kuuchira

* * *

Tadiwanashe Mkaka, Southlea Park – 1. kufarisa; 2. kureva; 3. kusasiyana; 4. kuneteswa; 5. kukwazisa

* * *

  1. Chakaduka – Tinotenda yavira shambakodzi yedemhe.

* * *

Mai Saviour Tanatswa Mupariwa, Maseko, Epworth – Tinotenda maruva tadya chakata.

* * *

Netsai Chapita, Marondera – 1. kufarisa; 2. kunyeya; 3. kusasiyana; 4. kupedza simba; 5. kutenda

* * *

Yvonne Munyikwa, Tariro Academy, Hopley – 1. kufarisa; 2. kurehwa; 3. kuwirirana zvakanyanya; 4. kufambisa; 5. kuombera

* * *

Leeroy Ziunze, Warren Park High – 1. kufarisa; 2. kunyeya; 3. kufambidzana; 4. kupererwa; 5. kuombera

* * *

Susan Masvodza – Totenda maruva tadya shakata.

* * *

Masvutu Lameck, Mutoko – 1. gwara; 2. matsi; 3. dunhu; 4. dofo; 5. muroyi

* * *

Tatenda Mtambalika, Beatrice High – 1. kuva nemanyawi; 2. kunyeya; 3. kuwirirana zvakanyanya; 4. kupera simba nekushamiswa zvakanyanya; 5. kuombera.

* * *

Tatenda Mtambalika, Beatrice High – Totenda maruva tadya chakata.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Kana miti yakapfekana kana kupiringana zvekuti hapapindike nyore sezviri pamufananidzo inonzi yakaita sei?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>