CHISHONA CHAKANAKA

29 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected].

Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Kuzvimbirwa:

Kana chikafu chapinda mudumbu, chinotanga kugayiwa kuti chiendese zvekudya muropa. Kana chikafu chikawandisa mudumbu, tinoti munhu azvimbirwa.

Pane mutsauko pakati pekuguta, nekugutisa.

Kana munhu agutisa, anenge azvimbirwa uye anotambudzika zvikuru nekuti dumbu rinenge razarisa.

Dzimwe nguva munhu akazvimbirwa anorwadziwa nemudumbu, kana kuti anoita manyoka.

Dzimwe nguva kuzvimbirwa kunoita kuti munhu adzvove zvinonhuhwa. Kudzvova zvinonhuhwa kunonzi kudzvova tsvi.

Pindura mibvunzo iyi

1. Kana chikafu chapinda mudumbu chii chinoitika?

(Chinogayiwa kuti kudya kuendeswe muropa.)

2. Kuwandisa kwechikafu mudumbu kunonzi chii? (Kuzvimbirwa)

3. Nyora zvinhu zviviri zvinogona kuitika kana munhu azvimbirwa. (Anorwadziwa nemudumbu kana kuita manyoka.)

4. Kudzvova zvinonhuhwa kunonzi chii? (Kudzvova tsvi kana kuti kudzova nhururu.)

5. Pedzisa tsumo iyi: Kushora mbodza . . . (neinozvimbira)

* * *

ZVAKANYORWA NEVANA:

Makadii veKwayedza? Ndinonzi Talent, ndinodzidza Form 5 paMbuyanehanda High, kuMberengwa:

Ko chinonzi kurova bembera chii? (Kutaura kana kureva zvakahwanda.)

* * *

Makadii henyu veKwayedza? Ini ndinonzi Petronella Mapfumo, ndinodzidza Form 4 paSeke 3 High, kuChitungwiza:

Tsumo yekuti ‘Chashe chinodyiwa newagara dare” yakafanana netsumo ipi. (Kudya chemuzvere hubata mwana kana yekuti Mwana wehuku anodya ndearipo.)

* * *

Tinovimbanashe Ngwaru ari kuita Grade Six paMarikopo Primary School, kwaSeke ndokuti:

Mukadzi mukuru pabarika ndivahosi.

Ko muroora mukuru mumusha anonzi chii?

(Kazhinji anongonzi maiguru.)

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Madimikira aya anorevei?

1. Kuita musoro

2. Kuve neruwoko

3. Kuita mudumbu

4. Kuita pamuromo

5. Kuita gumbo mumba gumbo panze

6. Kushaya ganda kumeso

7. Kuve nemukanwa

8. Kuita meso-meso

9. Kurasa tsoka

10. Kusiiwa pachena

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>