Chitunha chasiiwa chakayanikwa pakati pesango

01 Nov, 2023 - 15:11 0 Views
Chitunha chasiiwa chakayanikwa pakati pesango Dara rakaiswa mutumbi waMbuya Ruwina Chatsomoka

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUNYAYA inoshamisa, mutumbi wechembere yaisvikirwa nemudzimu unonzi wainaisa mvura kuKamutsenzere, kwaMambo Chiswiti, kuMt Darwin, wakanosiiwa musango reko nehama dzepedyo kuti uwore, wotanga wadyiwa nehonye setsika yavo, marangwanda anenge asara ozonovigirwa kunyika yeMozambique.

Pakasvika Kwayedza kunzvimbo iyi neMugovera wadarika, mutumbi uyu wainge wava nemazuva matatu uri padara remapango uye wainzi hauna kudyiwa nezvikara zvesango kana nemagora ayo akawanda uku.

Mushakabvu Mbuya Ruwina Chatsomoka (101) vaisvikirwa nemudzimu waKamuziwo Chawora, uye vaizivikanwa nekunzi aMvura nenyaya dzekunzi vainaisa mvura.

Chembere yekufa iyi yaigara mubhuku raChimusisi, kwaMambo Chiswiti.

Mbuya iyi yaidaidzwazve nekuti sekuru nekuda kwemudzimu waisvika pairi uyo unonzi waibatsirana neshavi renyoka zvichiita kuti vafambe vachizvonyongoka kana zvavabata.

Mai Lucia Piyano (45), avo vanova muzukuru wambuya ava, vanotsinhira nyaya yekufa kwavo vachibva vazoendesa mutumbi wavo musango vakanouturika padara apo uri kugara kusvikira waora.

Mai Lucia Piyano

Vanoti kana mutumbi uyu waora, mapfupa achazotorwa oendeswa kuMozambique mukupera kwegore rinouya.

Kwayedza yakasvika panzvimbo yakaiswa mutumbi uyu musango, painge pasina mweya waikanda kuratidza kuti chitunha chawora zvisinei kuti machira akaputira mutumbi uyu aionekwa mukati medenderedzwa remapango netsotso.

“Ambuya vedu vakabva kuMozambique kuKachengwa Marara kare kare isu tisati taberekwa vashevedzwa nedzimwe mhondoro nemasvikiro ekuno kuMukumbura. Vaishanda vose mukunaisa mvura kusvikira vakazotanga kurwara ndokushaika. Madzishe emuno vakati tivatakure kuenda navo kumusha kwavo kuMozambique tikakumbira kuti vavigwe muno sezvo isu tisingakuzive,” vanodaro Mai Piyano.

Musha waMbuya Ruwina Chatsomoka

Vanoti pakashaika ambuya vavo, vakazivisa sabhuku kuti azoendesa shoko kuna Mambo Chiswiti.

“Kune mhondoro iri muno inobva kuMozambique yaidyidzana nemudzimu waambuya vedu iyo yakazokumbira kuti mutumbi uyu uwane pekumbozorodzwa pachivanhu, wowora wozotakurwa ava mapfupa kuendeswa kumapako ekuMozambique kana kuiswa mumhango yemuyuwu sezvinodiwa pachivanhu cheko,” vanodaro Mai Piyano.

Vanoti ambuya vavo vakashaika mushure mekurwara vari mumba mavo nemusi weChipiri chesvondo rakadarika, mutumbi ndokugara mumba kusvika nemusi weChina apo wakazonoturikwa padara pakati pesango kusina misha yevanhu.

Zvisinei, Mai Piyano vari kutsutsumwa nenyaya yekuti Mambo Chiswiti vave kuda muripo wehwai nhatu neUS$60 pamusoro zvekuvaripisa kuti vakarega ambuya vavo vachirwara kusvika pakufa vasina kuvadzosera kumusha kwavo kuMozambique.

Vanhu vachiuchira panzvimbo ine dara rine mutumbi waMbuya Ruwina Chatsomoka setsika dzechivanhu

“Mambo nemhondoro dzemuno vari kuda muripo wehwai nhatu – hadzi mbiri nehono imwe chete – neUS$60 izvo tisina. Zvinonzi zvakare hatina kunozivisa mambo nezverufu urwu,” vanodaro.

Mutumbi uyu wakatakurwa wakaputirwa nemachira kwechinhambwe chinosvika makiromita mapfumbamwe kubva pamba wakaiswa pamatanda, vanhu vachitungamirirwa nedzimwe mhondoro.

Mambo Chiswiti, VaShort Kanzou, vanoti kuiswa kwemutumbi uyu musango padara usina bhokisi hapana chakaipa sezvo iri tsika yechivanhu.

Mambo Chiswiti

“Hapana chinoshamisa pakuti mutumbi wemhondoro iyi uiswe musango pasina kuchererwa guva uri padara. Hapana zvaunoitwa kana kudyiwa nembwa kana nedzimwe mhuka dzemusango uye pakakomberedzwa nematanda pakaiswa masanzu.

“Kare waingosiiwa wakadaro pasina chaiudya, kuno tinozviita. Mhondoro iyi yaiva yekuMozambique saka pakurwara asi vaifanirwa kudzoserwa kumusha kwavo kana kuti mutumbi waifanirwa kuzonovigwa kumusha kwavo kwete muno,” vanodaro Mambo Chiswiti.

Vanoenderera mberi vachiti: “Mhosva iri kupihwa mhuri iyi, takavati vaendese mhondoro iyi kumusha kwayo yava kurwara asi havana kuzviita kusvikira munhu afa nekudaro mhondoro yedu Mukweva iri kuda US$60 nehwai nhatu, sheshe mbiri nehono imwe chete. Zvimwe zvinounzwa kudare rangu uye zvimwe zvoendeswa kumhondoro. Takawirirana navo kuti vachazotora mapfupa emhondoro iyi voendesa kuMozambique kunoita chivanhu chavo ikoko vachitungamirirwa nemhondoro yeko inonzi Murava.”

Vanoti mhondoro dzemudunhu ravo mitumbi yadzo inodarika nemunhumba yavanotongera dzichizoenda kunoiswa kumapako avo anoyera uko kwavanovigwa.

“Mudunhu rangu muno zvekuisa mitumbi yemhondoro pamatara kuti iworere ikoko zvinoitwa zvisinei kuti zvakagumisira kuitwa kare, ichocho chivanhu chizere. Handizive kuti mitemo yenyika inobvumidza here kuti mitumbi yevafi vaisvikirwa isiiwe musango pasina kufushirwa iri pamhene. Asi hakuna mhuka kana chikara chinodya mitumbi iyi nekuti inenge yakachengetedzwa nemhepo uye nedzimwe nguva munogona kutozowana isimo yatorwa nedzimwe mhondoro pasina kumbopazwa,” vanodaro Mambo Chiswiti.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanoti mitemo yenyika haibvumidze kusiiwa kwezvitunha musango pamhene sezvo iyi iri mhosva.

Insp Mundembe

“Hatina mitemo yakadaro muno kunze kwezvatinonzwa zvichiitwa kuMozambique. Muno tine chivanhu chekuti mitumbi inoiswa mumapako kwete kusiya iri pamhene, isu hatina kuiwana nyaya iyi uye inofanirwa kuferefetwa,” vanodaro Insp Mundembe.

Sabhuku Chimusisi

Vakafanobata chigaro chaSabhuku Chimusisi, VaTodious Mutemagawu (63), vanoti kunoiswa kwemutumbi uyu musango padara zvakabvumiranwa nemhondoro dzemudunhu iri namambo zvaonekwa kuti mutumbi wesvikiro iri waigona kuworera mumba sezvo pasina aikwanisa kuenda nawo kuMozambique nekuti vemhuri yemushakabvu uyu hapana anokuziva uyewo nemafambiro acho.

“Takatakura mutumbi uyu tichitungamirirwa nemhondoro yekuMozambique yakanotara rukawo rwepakaiswa dara nefodya ichidira pasi ndokuvakwa dara rakareba mamita maviri kuenda mudenga, ndokukomberedzwa nematanda ndokuiswa denga rematanda nehuswa zvakare kukazoiswa masanzu akakomberedza mushure mekuisa mutumbi uyu. Ipapo pakawiriranwa kuti vehukama vanozoenda vachinoona kuti mutumbi uyu hauna here kudyiwa kana nemhuka dzesango,” vanodaro Sabhuku Chimusisi.

Mai Deliwe Tizola (46), avo vanova muvakidzani wemhuri iyi vanoti zvakaitwa zvekuisa mutumbi uyu musango zvinofambirana nechivanhu chinoitwa kune vanhu vanosvikirwa.

Mai Deliwe Tizola

“Takazongonzwa kuti mhondoro yedu yazorora ndokutungamirirwa nemadzimambo emuno vakazoita kuti mutumbi uyu uiswe musango umo maurere izvozvi, tichimirira kuti mabhonzo azoendeswa kuMozambique,” vanodaro Mai Tizola.

Vanoti chivanhu chose chakatevedzwa kusvika pari zvino.

VaZvikomborero Chidzemwa (29) mwana wasahwira kumhuri iyi vanoti vari kudzidza chivanhu kubva muzviitiko zvakadai.

“Taiva nevamwe pakutakurwa kwemutumbi kusvika kumasango uko kwakachengeterwa mhondoro yedu, kumasango ekuna Pfinza hakuna misha iri pedyo,” vanodaro VaChidzemwa.

VaTakemore Piyano

VaTakemore Piyano (42) muzukuru wemushakabvu vanotiwo: “Ambuya vakafa tikaendesa shoko kwese pachivanhu chekuno, ndakatangira kwasabhuku ndikaenda kumhondoro dzemuno dzinoti Mukweva neyekuMozambique, Murava, inogara muno zvakare vakabvumirana kuvigwa kwemutumbi waaMvura kumasango uko takauisa. Asi ndatarisana nedambudziko rekuda kuripiswa namambo wedu Chiswiti, vava kuda hwai nhatu neUS$60-00 izvo ndisina.”

Sahwira wemhuri iyi, VaSandion Chidzemwa (70), vanoti pakafa aMvura hapana kuchemwa setsika dzechivanhu kana kuungana kwevanhu kana kubatana maoko.

“Vakafa nemusi weChipiri tikapaza dhoo kuti tikwanise kubuda nemutumbi wavo zvakanaka, tikazoenda kusango tikanouisa padara. Vaitungamirira vazukuru vacho nemasahwira isu nemhondoro. Tangomirira nguva yakatarwa kana mutumbi wawora kupera kwegore rinouya mapfupa ozoendeswa kuMozambique,” vanodaro VaChidzemwa.

Share This:

Sponsored Links