Chitunha chemwana chabiwa muguva

02 Oct, 2022 - 08:10 0 Views
Chitunha chemwana chabiwa muguva Mai Martha Matembedza

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

CHITUNHA chemwana ane mwedzi mipfumbamwe yekuberekwa chakatsakatika muguva mushure memavhiki matatu chavigwa kumahombekombe erwizi rwaMatsungu kwaMutasa, kuManicaland.

Mbatya dzakavigwa dzakaputira mwana uyu dzinosanganisira jira jena, bhurugwa reyellow, bhachi, ngowani yegreen, gumbeze remwana jena netauro jena – zvakawanikwa zvakapetwa zvakanaka ndokuiswa pedyo neguva remwana uyu.

Amai vemwana uyu, Mai Martha Matembedza vemubhuku raHamunakwadi, ndivo vakatanga kuzviona.
Padivi peguva remwana uyu, Abraham Benza, paive nemurwi wevhu rakanga racherwa kubva muguva, izvo zvakaita kuti vagari vekwaMutasa varambe fungidziro yekuti mhuka dzesango kana imbwa dzaigona kunge dzakaburitsa mutumbi muguva. Ivhu rejecha rainge rakasaswawo panzvimbo iyi.

Chiitiko ichi chakakatyamadza, asi chinonzi chakavanzurudzwa nababa vemwana uyu, VaOsward Benza nevamwe vavo vechechi yeJohanne Marange Apostolic avo vakanoviga zvakare mbatya muguva rimwe chete mazuva maviri mushure mekuwanikwa kwadzo dziri panze.
Abraham akashaya musi wa9 Nyamavhuvhu panzvimbo yechechi iyi kwaMutasa mushure mekurwara kwenguva pfupi.

Chirwere ichi chakange chatorawo hanzvadzi yake ine makore matatu ekuzvarwa mavhiki maviri izvi zvisati zvaitika.
Kufa kwevana vaviri ava hakuna kunyoreswa sezvinodiwa pamutemo. Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, havana kukwanisa kutsinhira kana kuramba kuti nyaya iyi yakasvitswa kumahofisi avo.
Zvakadaro, mapurisa ekwaMutasa anotsinhira nyaya iyi.

Gwaro remapurisa, iro rine bepanhau rino, rinoti: “Mushakabvu akavigwa muguva risina kudzika mumahombekombe eRwizi rwaMatungo. Mbatya dzake, gumbeze netauro zvaive panzvimbo iyi zvakafukidzwa nevhu rejecha. Hapana fungidziro yekuti mutumbi wake unogona kudaro wakadyiwa nemhuka zvichitevera kupetwa kwainge kwakaitwa mbatya dzemufi uye nekuunganidzwa kwainge kwakaitwa ivhu panzvimbo imwe chete.”
Vakuru vemunzvimbo iyi vanoti vanotyamadzwa nechiitiko ichi.

Sadunhu Hamunakwadi, VaEdward Chakanyuka, vanoti baba vemwana uyu vakati vekuchechi kwavo ndivo vaizoita ongororo yemafambiro akaita zvinhu.

“Takamhan’ara nyaya iyi kumapurisa uye pakauya mapurisa akaramba mashoko ekuti mhuka dzesango kana imbwa dzakafukunura mutumbi uyu ndokudya. Hapana mapfupa akawanikwa uye dhoketi rekuferefetwa kwenyaya iyi rakavhurwa,” vanodaro.

Zvakadai, vatori venhau pavakashanyira musha waBenza svondo rapfuura, VaBenza vakanga vasipo pamba.
Foni yavo yaisabatika zvakare. Zvisinei, mudzimai wavo anoti pane zvakawanda pakutsakatika kwechitunha chemwana wavo.

“Vana vangu vakafa zvisina kujeka. Vaikosora zvakanyanya uye vese vakafa mukati memazuva maviri vabatwa nechirwere ichi. Hatirapwi muzvipatara nekuda kwedzidziso yekereke yedu.

“Vana vairwara takaenda navo kune mumwe murapi wekuchechi kwedu tikabatsirwa. Ndinoziva kuti rakanga risiri gwirikwiti nekuti Abraham akange achangopora gwirikwiti paakawana zviratidzo zvakaita sedzihwa izvo zvakatora upenyu hwake.

“Murume wangu anoti nyaya iyi yakapera uye hatichaenda kun’anga kana maporofita emamwe machechi pamusoro penyaya iyi nekuti hatibvumidzwe kuita izvi nechechi yedu.

“Zvinorwadza zvikuru kuti vana vangu vaviri vakafa vakatevedzana, kuzoshaikwa kwechitunha chaAbraham muguva kwabva kuwedzera marwadzo matiri.
“Handigone kurara ndichifunga kwakaenda chitunha chemwana wangu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>