Chiyangwa akaba mbudzi nehwai 

22 Jan, 2021 - 13:01 0 Views
Chiyangwa akaba mbudzi nehwai 

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME anogara kuBudiriro, muguta reHarare, akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates Courts achipomerwa mhosva yekuba hwai 19 nembudzi pfumbamwe pane imwe puroti iri kuBeatrice.

Desmond Chiyangwa (34) wepanhamba 4853 Cresent Budiriro, uyo ari muchipatara mushure mekukuvara apo motokari yake yapfurwa nemapurisa paaiedza kutiza kusungwa paakange apara mhosva iyi, akamiswa pamberi pemutongi wedare iri Tendai Mutamba.

Muchuchisi Munyaradzi Karimazondo anoudza dare kuti nemusi wa11 Ndira, Chiyangwa akaenda paPlot number 8 Nyachide Farm, kuBeatrice uko anonzi akanoba hwai nembudzi.

Nemusi wa11 Ndira wekare, motokari yake yerudzi rweToyota Hiace ine nhamba dzinoti AEU 1809 inonzi yakaonekwa nemapurisa achibva aedza kutiza zvikaita kuti vaipfure nechekumashure iye achibva akuvara ndokuzomira.

Mumhan’ari akakwanisa kuziva musungwa uyu pamwe nemotokari yaanonzi akashandisa mukuba zvipfuyo izvi.
Chiyangwa paakasungwa, anonzi akawanikwa aine demo, tambo uye banga mumotokari make.

Zvipfuyo zvaanonzi akaba zvinokosha $281 880.
Nyaya iyi iri kuenderera mberi nekutongwa mudare iri

Share This:

Sponsored Links