Chokupamba nevanhu vake vanonokwira muchikomo

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 10 (Nyaya yacho: Eenderero mberi)
Vachamanikidzwa kuti vazvidzivirire kubva kupfumo remuvengi nekudaro vachavagarira mauto aya pamusha pavo vakapakata zvombo, uta nemiseve vokwira muchikomo chemhiri kwerwizi.
Vanhu vanopinda mubishi kututana nepwere kuenda muchikomo chiye charehwa namambo. Usiku uhu mapere akaita zvaaida nezvipfuwo sezvo varindi painge pasina.

Ishe Chokupamba nevanhu vake vanozvinzwa asi nepamusana pekutya vanoti zvimwe ndivo vanhu vaya vakanga vouraya mombe dzavo.

Tafirei shamwari yaRevai, uyo ainge ari mupi wemazano kunaShe Chokupamba, anoenda kuna ishe usiku ihwohwo ari oga.

Ane pfungwa yekuti kana ari Revai nemauto ake, havaimbokwanisa kuzvidzivirira nekudaro aifunga kuti mangwana acho kwaedza, voedza kutaurirana nevavengi ava pasina kudeuka kweropa.

Zano rake raive rokuti azobatana neshamwari yake voenda vose. Mambo anombopikisana nazvo asi anozoti vozozviona kana vari vapenyu.

Hurukuro yevaviri ava vari mugomo inoshaya budiriro nekuti Tafirei aida kuti Mambo Chokupamba vabvume uipi hwavo, varege kuzouraisa vanhu nehondo nepamusana peumbimbindoga hwake.

ONGORORO
Tinoona kuti chitsauko ichi chakareba zvachose, icho chinotora mapeji anokwana kuita gumi nematatu nechidimbu (13½ pages).

Regai tione kuti muguchu rechitsauko ichi munei.
Tinotanga nekunzwa munyori achitaura kwatiri aine chinangwa chekutidzidzisa.

Hunzi, “Nguva zhinji kuti chinangwa chibudirire panotoda donhodzo rekutsvetedzera zviitiko panguva iyoyo” (94).
Izvi ndizvo zvakaitwa naRevai apo aidzidzisa vanhu vake kuti vave varwi vemandorokwati.

Izvi zvakabudirira nekuti mauto paakapedza dzidzo yavo akaimba rwiyo rwaisimudza vhudzi kuti vava vanhu vakabatana vanonzwisisa” (94).

Mashandisirwo anoitwa nyaudzosingwi (ideophones) paPeji 95 anobva aita kuti tinyatsa kuona maitikiro ezvinhu.
Zvinonzi, “Vose vakati dzikiti kumira zvine mitsara pamberi pevanhu.

“Kakuruva kakamona ndiye pwititi veruzhinji vachiti kanha kuyeva. Mapfumo aye akange adzikiswa pasi vamirira mashoko ashe. Vanhu vose vakati zi-i kunyarara”.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>