Chuma nezvachinoshanda

12 Oct, 2022 - 12:10 0 Views
Chuma nezvachinoshanda Chuma

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

CHUMA chishongo chinokosheswa zvakanyanya nemarudzi akasiyana, kusanganisira vanhu vemuZimbabwe.

Kubva pasichigare, chuma chaikosheswa uye chichishandiswa sezvinongoitwa mari mukutenga zvinhu zvakasiyana. Nhasi uno vamwe vanochidyidzanisa nemucheno, midzimu kana nyaya dzekurezvana kwemurume nemukadzi apo vanenge vachifadzana.

Asi, imwe shasha yekugadzira chuma – Muzvare Bridget Mudota – uyo anoshandisa zita rekuti Bridget The Jeweler pabasa rake – anoti chuma chinodaidzwa maererano nemapfekerwo uye pachinoshandiswa.

“Ndakatanga kuita basa rekutunga chuma mugore ra2018 mushure mekunge ndadzidza zvakawanda maererano nepfungwa dzevanhu pamusoro pechuma. Ndaisimbovawo nepfungwa dzekuti zvechuma zvinoitwa nevanoita zvemidzimu kana vanoshaya zvekuita. Asi ndakazoona kuti ibhizimisi rinotounza mari kana ukariita nemazvo uye ukaziva kuti vatengi vanodei.

Muzvare Bridget Mudota

“Pari zvino kune hama neshamwari vanoshamisika nazvo kuti ndinoita zvekutunga chuma asi vamwe vave kuenda vachijaira,” anodaro Muzvare Mudota.

Anoti pakugadzira chuma, anoshandisa zvinosanganisira mhodzi dzemimwe miti inowanikwa muno munyika uye nezvimwewo zvakaita semapurasitiki. Chuma chakagadzirwa nemhodzi dzemiti yemuno chinonzi chinofarirwa zvakanyanya kune dzimwe nyika.

“Chuma tinogadzira nemhodzi dzemiti inowanikwa muno yakaita seMusekesa nemimwe. Dzimwe nguva tinongotora chero mhodzi dzatawana togadzirisa chuma. Vari kune dzimwe nyika vanofarira chuma chemuno chakagadzirwawo nezviwanikwa zvemuno nekuti vanenge vachiti zvinoratidza tsika nemagariro zvekuno.

“Ndizvowo tinoona vemuno vamwe havadi chuma chakagadzirwa nezviwanikwa zvemuno, vanodawo zvinobva kune dzimwe nyika. Izvi zvinoratidza kuti chuma ndeimwe yenzira dzinoshandiswa kuratidza tsika nemagariro evanhu venyika dzakasiyana,” anodaro.

Chuma

Muzvare Mudota anoti paakatanga basa rake rekutunga chuma, vanhu vazhinji vaifungira kuti anoita zvekutengesa muviri kana kudyidzana nevanotengesa muviri.  Anoti izvi zvinokonzerwa nekuti vanhu vakawanda vanofungira kuti chuma chinonyanyodiwa ndechinopfekwa muchiuno nemadzimai icho chinozivikanwa nekunzi mukanda.

Mukanda unonzi unoshandiswa nevanhukadzi kuti varume vawane chekuvavaraidzwa nacho panguva yekusasana uye kuratidzawo hunyanzvi hwavo. Zvisinei, Muzvare Mudota anoti nekufamba kwenguva, akazoonawo zvakare kuti vechidiki vazhinji vanoshandisa chuma kuzvishongedza zvakanaka.

“Chuma hachisi chekushandisa panguva yekusangana kwababa namai chete. Mamwe madzimai anochipfeka muchiuno senzira yekuyera kana kuti kupima muviri wake kuti uri kuwedzera here kana kuti uri kuderera.

“Vechidiki vanochishandisa kuvandudza mucheno wavo. Zvisinei, vazhinji vane pfungwa yekuti chuma chemuchiuno chine hukama zvakanyanya nenyaya dzekusangana kwemunhurume nemunhukadzi. Panguva iyi, chuma chinoshanda zvakasiyana-siyana.

“Vamwe vanhurume vanotamba nechuma nguva iyi senzira yekuzvivaraidza uye kunakidza amai. Vamwewo vemarudzi akasiyana madzimai vanopfeka chuma chakawanda kuitira kuti kana mutambo uya wonakidza zvinotanga kurira zvinova zvinoratidza hunyanzvi hwevaviri vanenge vachisasana havo,” anodaro.

Muzvare Mudota anoti chuma chemuchiuno chinogadzirwa netambo yakasimba sezvo dzimwe nguva chinodhonzwa panenge pachisasana mudzimai nemurume zvekuti chinogona kudambuka.
“Tinogadzira chuma chemuchiuno netambo inodaidzwa kuti tiger’s tail iyo yakasimba zvakanyanya,” anodaro Muzvare Mudota.

Anoti chuma chakafanana nenhumbi dzekupfeka dzekuti munhu kana akazofa, chinogona kugovevawo chichipihwa mumwe zvichienderana nekubvuma mazviri kunenge kuchiita vemhuri yake.

Pakutenga chuma, anodaro Muzvare Mudota, kune vanotengera zvemicheno kana kushandisa mune zvechivanhu asi iye anongogadzira chuma sebhizimisi.

Share This:

Sponsored Links