Covid-19: Maticha otenda President

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Covid-19: Maticha  otenda President Vana vezvikoro zvebhodhingi vari muguta reHarare vachidzokera kudzimba dzavo mushure mekuvhara chikoro nemusi weChipiri svondo rino.

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MASANGANO anomiririra varairidzi ari kupembedza danho rakatorwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa rekuti zvikoro zvivharwe nekukasika senzira yekudzivirira chiwere cheCovid-19.

Zvikoro zvaifanirwa kuvharwa nemusi wa2 Kubvumbi asi zvakazokurumidza kuvharwa nemusi weChipiri svondo rino.

Chamangwiza wesangano reZimbabwe Teachers Association (Zimta), VaSifiso Ndlovu, vanoti danho iri rakanaka zvikuru nekuti muzvikoro munogona kuita mikana yakawanda yekutapurirana Covid-19 sezvo muchigara muine ruzhinji rwevanhu.

“Zvakaitwa zvakanaka uye takapa umboo hwekuti sei zvikoro zvichifanirwa kuvharwa nekuti zvaigona kuzove mwongo panyaya yekupararira kwechirwere ichi,” vanodaro VaNdlovu.

VaDavid Dzatsunga avo vanotungamirira wesangano reCollege Lecturers Association of Zimbabwe vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere zvose zvavari kunzi vaite nenyanzvi dzezveutano mukudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

“Vanhu ngavachiona kuti havasi pedyo nepedyo. Ndipo pava kuda kushandiswa ruzivo rwechizvino-zvino rweindaneti nekushandiswa kwemavhidhiyo mukuita zvidzidzo. Chirwere ichi chinoda rutsigiro rwedu rwose pane kuti vanhu vangoita basa rekushorana. Zvinoda mushandirapamwe,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Zvakakosha kuti zvikoro zvivharwe nekuti inzvimbo dzinoungana vanhu vakawanda.”

Munyori mukuru kusangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanorumbidza danho rakatorwa neHurumende rekuti zvikoro zvivharwe.

“Tinotenda mutungamiriri wenyika nekuti takanga kutaura nezvenyaya iyi President Mnangagwa ndokutiterera. Ticharamba tichivakumbira kuti vanzwe zvimwe zvichemo zvedu nekuti zvinobatsira zvikuru vadzidzi pamwe nevarairidzi. Tichaona kuti vadzidzi vatsivirwa mazuva avo ekudzidza ayo vakarasikirwa nawo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>