Covid-19: Zim yoita ongororo

20 Oct, 2020 - 11:10 0 Views
Covid-19: Zim  yoita ongororo Dr Mahomva

Kwayedza

Tandayi Motsi

ZIMBABWE iri mushishi yekuita ongororo izere pamusoro pechirwere cheCovid-19 kubvira pachakatanga muna Kurume wegore rino, matanho akatorwa mukuchirwisa pamwe chete nemamiriro ezvinhu pari zvino (inter-action review).

Vachitaura pachirongwa chepasvondo icho vanozivisa nyika mamiriro echirwere ichi, Dr Agnes Mahomva – avo vanova Chief Co-rdinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet – vanoti kuitwa kweongororo iyi kunozadzikisa zvinodiwa nesangano rinoona nezveutano pasi rose, reWord Health Organisation (WHO) panyaya yekurwisa denda iri.

Zimbabwe, vanodaro, yakatora mukana wekudzikira kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa nekuita ongororo yakadzama iyi.

Munyika muno kusvika nemusi weSvondo uno mange mava nevanhu 8 147 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa kubvira pakanyuka chirwere ichi muna Kurume gore rino.

Pavarwere ava, 7 697 vakapona asi vamwe 231 vakafa.

Dr Mahomva vanoti ongororo iyi ichaona zvakare kubatanidzwa kwezvakabuda muongororo diki dzakagara dzichiitwa pamusoro peCovid-19.

“Ongororo iyi, iyo yave padanho repamusoro, iri kuitwa kumatunhu ose gumi enyika pachishandiswa zvinodiwa neWorld Health Organisation. Izvi zvichaita kuti senyika tizive pasina kana kuita zvekufungidzira patakaburira, matambudziko akasanganikwa nawo uye zvidzidzo zvatakawana kubva mukurwisa chirwere ichi,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanoenderera mberi: “Ongororo iyi ichaita zvakare kuti tikwanise kupindura mibvunzo yakawanda yagara ichibvunzwa nevanhu vemunharaunda inosanganisira kuti kupararira kweCovid-19 kwamiswa here zvichibva mumatanho ari kutorwa uye kuti chikamu chezveutano chakagadzirira zvakadini kurwisa chirwere ichi pamwe nekuti senyika takagadzirira here kunyuka kechipiri kwedenda iri kana zvichinge zvazoitika.

“WHO inoti Zimbabwe iri pakati penyika shoma-shoma pasi rose dzakatanga kuita ongororo iyi. Dzimwe nyika dzakaita ongororo yemhando iyi dzinosanganisira South Africa, Tunisia, Thailand neIndonesia.”

Dr Mahomva vanoti Zimbabwe iri kuona kudzikira kwenyaya dzevanhu vari kubatwa neCovid-19 mushure mekuvhenekwa.

Izvi, vanodaro, zvinoratidza budiriro huru yenyika ino mukurwisa denda iri.

Vanotizve zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekumisa kupararira kwechirwere ichi nechinangwa chekuti pasave nekunyuka kwacho kechipiri.

“Zvakakosha kuti tirambe tichiyeuchidzana kuti chirwere ichi chichiriko. Nzira yakanaka yekumisa kupararira kwechirwere ichi kutevedzera matanho akatarwa sekusaita chitsoko-tsoko kungave kumitsetse yemabhengi nekupfeka mamasiki nemazvo,” vanodaro

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>