Covid: Jekiseni raunza tariro

26 Feb, 2021 - 00:02 0 Views
Covid: Jekiseni  raunza tariro

Kwayedza

ZIMBABWE svondo rapera yakatanga chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 icho chakonzera matambudziko makukutu pasi rose.

Izvi zvabva zvaita kuti Zimbabwe ive pakati penyika shoma dzemuAfrica, dzinosanganisira South Africa, dzakatanga zvirongwa zvekubaya vanhu majekiseni ekudzivirira chirwere ichi.

Kuuya kwemushonga wemajekiseni uyu kwapa tariro huru munyika muno uye nepasi rose panyaya yekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Tinodaro nekuti denda iri rakonzera kufa kwevanhu vakawanda pasi rose uye kuderera kwenyaya dzeupfumi.

MuZimbabwe, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana Vice President Constantino Chiwenga ndivo vakatanga kubaiwa jekiseni rekudzivirira kuti vasabatwe neCovid-19 svondo rapera.

Kuzvipira kwaVice President Chiwenga kuti vatange kubaiwa jekiseni iri kunoratidza kukosheswa kuri kuitwa neHurumende nyaya yekurwisa denda iri munyika muno.

Kunyangwe kuzvipatara zvikuru zvenyika, vakuru-vakuru veko vanosanganisira vanachiremba ndivo vari kutanga kubaiwa zvakare majekiseni aya unova mucherechedzo wakanaka wekuti vari pasi pavo vanozotevedza matsimba avo.

Chakanakira chirongwa ichi ndechekuti majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 ari kubaiwa pachena uye kune vanoda.

Vashandi vezveutano nevamwe vari pamberi mukurwisa chirwere ichi ndivo vari kutanga kubaiwa majekiseni aya sezvo vari panjodzi huru yekutapurirwa chirwere ichi nekuda kwebasa ravo.

Chirongwa ichi chakakosha sezvo iriwo nzira bedzi inokwanisa kumisa kupararira kwedenda iyi.

Hongu, kune matanho ari kutorwa neHurumende akasiyana ekurwisa Covid-19 anosanganisira mitemo yekuti veruzhinji vasafambe-fambe zvisina tsarukano uye kuti vasaite chitsokotsoko.

Kunyangwe matanho akadai achibatsira, chirwere ichi chinokwanisa kuramba chichipararira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana nekudaro kuuya kwemushonga wekudzivirira denda iri kwakakosha zvikuru.

Mushonga uyu wakakosha pakuti munhu ane Covid-19 akasangana neasina asi akabaiwa jekiseni rekudzivirira chirwere ichi haakwanise kutapurirwa.

Pari zvino mabasa akawanda ane chekuita nebudiriro yenyika ari kudzokera kumashure nekuda kwedenda iri sezvo asiri kushanda zvakanaka.

Kunyangwe zvikoro zvichakavharwa senzira yekudzivirira Covid-19.

Izvi zvinoreva kuti kuuya kwemushonga wekudzivirira vanhu kuti vasabatwe nechirwere ichi idanho guru rinofanirwa kurumbidzwa zvakanyanya.

Hurumende ine hurongwa hwekuti vanhu vanosvika 10 miriyoni munyika muno vabaiwe majekiseni aya.

Zvakakosha kuti veruzhinji vatore mukana wekuti vabaiwe majekiseni ekuzvidzivirira kuCovid-19 kwete kuti vozodemba mushure mekunge vabatwa nechirwere ichi vasina dziviriro.

Kudzivirira kubatwa nechirwere kwakakosha kudarika kuzorapwa.

Share This:

Sponsored Links