DETEMBA TINZWE

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

NDAUYA ZHIZHA
naAnna Mazvimba
Dhiririri! Dhiririri!
Mheni zvimvuramahwe vapinda basa
Hurudza shavi rabata
Ushamwari namunda kwate
Gejo, mombe, badza,
Vanhu zororo usiku.
Ndauya zhizha.

Nyope ruvengo rwatanga
Urwere rwave rwiyo.
Pabonde haichabvi.
Nzara odzika midzi.
Goho igumbeze nemutsago.
Ndauya zhizha.

Vana vanhu pasi havachagari.
Maviri namatatu vabuda.
Sora ofara, bande nebhurukwa naivhu,
Musana kukotama yave nzira.
Mbudzi zvimbudzana masvosve padovi.
Nhunzi namukaka hazvichasiyani.
Ndauya zhizha.

Uchapa ndoparadza
Kupisa ndodzima,
Zuva ave muenzi
Nzizi ndozadza nemvura.
Maguto ndoparadzira pasi rose.
Matumbu ave churu.
Zvirwere tizei.
Mafaro svikei
Ndauya zhizha.

Anna Mazvimba ari muForm 2S paMutoko Central School, kwaMutoko.

MAONERO:
Kunyora nhetembo pamusoro pemadingindira kana kuti zvinhu zvakaita seZhizha kunonetsa nekuti Zhizha rakadetembwa nevanhu vakawanda kwazvo zvekuti zvinenge zvave kuda kuti kana wave kunyora nezvaro, unge uine chokwadi kuti hausi kusakura makasakurwa nevamwe kare. Ndangoti ndingotanga nemashoko aya ekuyambira mushure mekunge ndangoverenga musoro wenhetembo yako.

Asi handisi kuti iwe watadza kunyora, kana kuti wanyora pamusoro pezvakambonyorwa nevamwe kare. Dziriko nhetembo dzeZhizha dzinotanga nemazwi awashandisa aya ekuti “Dhiririri!” asi iwe wabva wazokurumidza kupfekedza hunhu mheni nezvimvuramabwe zvekuti unotiudza kuti vapinda basa. Asi nemhaka yekuti hausi kushandisa zvimiso, pfungwa dzako dziri kunopindana nekuti isu hatichaziva pekuti tifeme kana tichiverenga nhetembo yako. Ndafara nekubinduka nekushenaira kuri kuita hurudza mundima yekutanga, asi kana tapinda mundima yechipiri, tabva tasangana neimwe mhando yevanhu vakasiyana nehurudza – [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>