DETEMBA TINZWE

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

Sibongile Matambo Chaikuda kana chakusema
Ruchapisa zvinoyemurana ,

Kutarisana kungoyemurana,

Kushaya mumwe zvokodozvora , mwoyo,
Kungowona na mazino chenyu chenyu
Kutukana kana kuodzana mwoyo ,
Wotozvowonera kuhope urere usiku.
Kusaziva kuti chinokuda kana chokusema
Zvinenge zvine zvakwenyera
Chapinda chikonye, hero daka
Mazino aya machena ovanziranwa,
Meso onzvengana setsuro nembwa ,
Unoti kumwoyo yongodzana ,
Mukutaurirana hero besanwa,
Udoti ,’nhai? yangove ndamba
Veduwe chaikuda kana chokusema
Zvinenge zvine chakwenyera.
Kungoti kanganise padiki,
Wazvidenhera dundu risere mago.
Kwovakwa makomo nezvikwari kwari
Kudhugura mumba hurwo rukono
Midziyo yakandwa kandwa seuchatemwa,
Mutsindo muba inenge mungoma,
Tsamwa ungati ihacha dziri kutsiwa
Kana chokusema chaikuda,
Nomumvuri wako wose unousema
Chinoti kuvana hero bongozozo
Ungati vana ava varongerwei.
Wanike vana nemadziro kwatwa kwata
Ungati tupangu twomusomokedzwa
Icho meso chakatsvokora-tsvokora,
Kunge gonzo rapotswa nekitsi,
Wanikwe iwe chururu, miromo nazvo kapu,
Udzami hwepfungwa rave ruware
Vedu wee chaikuda kana chokusema
Zvinenge zvine chakwenyera
Chaitapira chose yaive indye
Unoti pasadza wengr wabika nhoto,
Rokodobvorw kunge serine nhoko dzemakonzo
Kumeso kounyanidzwa sedehwe risina kukakwa,
Ndiro dzoroniswa sezvana zvinoridza zvikwengwere
Rosimukapo rakanyaira, ungati ihoromba yegudo
Kunoendwa haufe wakakubvunza,
Ukadarao wazvikomorera nhundu yemago,
Amauromo wazvose hofiga muromo basa rose rangowa rameso

Matambo Sibongile anodzidza paMurombedzi School.

Maonero:
Zvandinogarotaura ndizvo chaizvo zvakaitika nenhetembo iyi. Yakazara nemhosho dzezviperengo, dzepatsanuro nebatanidzo yemazwi uye pamwe pacho inoshandisa mazwi nezvirevo nenzira isiri iyo.

Nhetembo yako Sibongile Matambo inoratidza kuti chinonzi nhetembo unochiziva, asi kutadza kuziva pekushandisa zvimiso ndizvo zvakurasisa.

Izvi zvabva zvazowedzerwa nekuti nhetembo yako yakarebesa nekuda kwekuti wanga uchidzokorora mamwe mazano.

Nhetembo ngaitsindirwe kuti ndi, irege kushandisa mashoko akawanda serondedzero.

Musoro wenhetembo yako unofanirwa kuti, “Chaikuda kana chokusema” kwete kuti “Chakusema.” Mutsara wawati, “Kushaya mumwe zvokododzvora, mwoyo” hauna kushandisa chifemo kwazvo.

Ungadai wati, “Kushaya mumwe, zvokododzvora mwoyo.”

Handizive kuti wanyora kuti, “Kungowona na” ukaita kuti /-na/ wekupedzisira amire ega sei.

Wanga uchifanirwa kuti “kungoonana.” Wanga uchifanirwa kuisa chimiso chekuratidza kuti waguma, asi hapana, saka kana tave kuverenga tinobva tangopfuurira mberi tichibatanidza mitsara miviri iyi:

Kungowona na mazino chenyu chenyu
Kutukana kana kuodzana mwoyo ,
Zvimwe zvezviperengo zvisina kunaka ndeizvi:
Wotozvowonera – wotozvionera
Muba – mumba, Kutsiwa – kutswiwa, Kwatwa – kwati, Tupangu – tupango
Handizive kuti wanga uchida kuti kudii nemutsara uyu:
Kudhugura mumba hurwo rukono
Pamwe pawanga uchinyora zvinosvibisa mwoyo ndepawati:
Chaitapira chose yaive indye
Unoti pasadza wengr wabika nhoto, Rokodobvorw kunge serine nhoko dzemakonzo
Ndiri kuzviziva kuti wanga uchida kuti, “Chaitapira chose yave indye” asi kungoisa kwawaita /-i-/ pana yave, kwabva kwashandura zvawanga uchida kutaura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>