DETEMBA TINZWE

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti [email protected] kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare. Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.

INI MUSASA
naPear Chidungwe

Ndimire zvangu mumasango.
Mhepo ichinyatsa kufefetera zvinonakidza
Hero! Ndinawo mashizha akanaka
Ndimire ndakasimba

Shiri dzinouya dzogara zvadzo
Mumatendere adzo, hapana kupokana
Zuva nezuva ndinoswera ndakamira.
Hamuti zvinondirwadza
Dai zvaibvira kuti ndifambe fambe

Mondishandisa sehuni dzenyu.
Hamugone kuti pamunonditema mosiya madyara.
Muviri wangu kurwadza.
Ndinotadza kuzorora.
Dzidza kundichengeta.

Pear Chidungwe ari muGrade 5 Red paSelborne Routledge School, kuBelvedere, muHarare.

MAONERO:
Aka kanhetembo kakanaka, kanotaura zvinhu zvakawanda nenzira yakanaka. Ndanzwa nyaya yerunyararo nerunako rwemiti. Ndanzwa nyaya yekubvuma kushandira vamwe kunoita miti kana shiri dzauya kuzogara mumiti. Asiwo zvakare, ndanzwa nyaya yekuchema-chema kuri kuita muti nekuda kwehunhu hwevanhu hwekusiya vaiparadza, asi vasingafunge ramangwana.
Ndafara kuti kanhetembo aka kakarongwa zvakanaka nemunhu ari muGrade 5 chaimo. Anonyora zvinonwisa mvura.
Chandisiri kuziva ndechekuti panzi “hero” mundima yekutanga, panga pachida kunzi kudii? Ndinofunga kuti pane pakakanganisika pakutaipa.
Asi nyangwe zvakadaro, nhetembo iyi iri kuburitsa kurongeka kwemunyori. Ndima yekutanga iri kutaura zvekumira kwemuti, musango inova nzvimbo yaunogara. Hapana chiri kukanganisa muti uyu, nekuti uri kuwana mhepo yakanaka, nemashizha akanaka. Nyanduri anopedza ndima nekutiudza kuti, “Ndimire ndakasimba.”
Chinhu chakakosha kwazvo chaitwa mundima yekutanga iyi, nekuti taratidzwa kugadzikana kwezvinhu.
Zvimwe chete mundima yechipiri, tiri kunzwa basa remuti uri kubvumira shiri kuti dzivake matendere adzo. Apa ndipo patinonzwa izwi raMuti, nekuti pakashandiswa chidavado chepfekedzaunhu. Muti ari kuchema-chema nekuswera akamira, nekuti anoti zviri kumurwadza. Ari kuti dai zvaikwanisika ambofamba-famba.
Ndima yekupedzisira yave kuita kuti tione kuti zvose zviye zvakanaka zvatambonzwa namuti zvapera. Izwi rekuti kushandisa harina kunaka, rinoreva kubatirirwa nevane simba. Saka pano muti wave kugunun’una nekuda kwekuitwa huni. Runako nerunyararo rwese rwatanzwa mundima yekutanga rwabva rwadzima.
Muti wave kupomera vanhu mhosva yekuurwadzisa.
Ramba uchinyora Pear, uri shasha!

[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>