DETEMBA TINZWE: Dai . . .

08 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

naTawanda Onias Maponga

Ndisina kurova amai ndingadai,

Ndisina upenyu hunosiririsa sehwenhapwa.

Minyama yave kundinama,

Kupomerwa nekurohwa pasina zvandapara.

Dai pasina kutuka amai,

Makomborero nenyasha zvingadai zviri zvangu.

Ndakafunda paifunda vamwe,

Ndingadai ndiine chinooneka.

Misikanzwa paiva pamusha,

Maticha ndaivatemesa musoro,

Mukombe waitove shamwari,

Zvibhakera ndaive sumukatienzane.

Avo vandakafunda navo,

Vave nemotokari dzakanaka,

Dzinenge dzichataura, ko ini ndinei?

Ndisina kuchiva madzimai,

Dai ndiine utano hwakana.

Ndaisava nemuti unoera sanha.

Dai ndaisagara muchipatara.

Dai ndaisasemwa nevanhu.

Ndakaziva haitungamire ndongochema,

Ndichiti dai . . .!

Tawanda Onias Maponga ari muForm 4 paOasis Academy, kuChitungwiza.

MAONERO:

Musoro wenhetembo uyu wakanaka nekuti nyangwe uchinyebudza muverengi kuti ade kuziva kuti chii chiri kunzi dai, haubva watengesa kuti nhetembo iyi iri kutaura nezvei.

Musoro wekuti “dai” unoreva kukungura, saka unobva waita kuti muverengi ade kuziva kuti chii chacho chiri kunzi dai nanyanduri.

Tichipinda munhetembo yacho, tinobva tachiratidzwa kuti nyanduri haasi kudemba nechinhu chimwe chete, asi zvakawanda. Asi tikatarisisa zvinhu zviri kuita kuti munhu uyu adembe, ndizvo zvinhu zviye zvatinoti zvinobva pakusateerera, pahunhunzvatunzva.

Nhetembo iyi iri kuti dai, uye muridzi wenyaya ari kubvuma kuti ndiye honzeri yenhamo dzaari kusangana nadzo.

Zvinhu zvaakaita kuti zvizomupinza murushavashava zvinhu zvinopesana nehunhu hwedu sevanhu uye neshoko raMwari.

Nyanduri anoti, “Dai ndisina kurova amai ndingadai ndisina hupenyu hunosiririsa sehwenhapwa.”

Isu tinoziva kuti nyangwe zviite sei, pachivanhu amai havarohwe, uye Bhaibheri rinoti, “Kudza baba namai vako, kuti mazuva ako awedzerwe panyika.”

Saka kurova mai ndiwo anonzi mashura!

Kukungura kwake kunosvika pakuti afunge kuti zvinhu zvakaipa zvaari kusangana nazvo muhupenyu zvakabva pakutuka amai. Kuti anyatsoburitsa kutambudzwa nejambwa kwaari kusangana nako, ati “Minyama yave kundinama.”

Isu tinoziva kuti chinhu chikanama hachibve, saka sarudzo yanyanduri yemazwi yakanaka nekuti inoburitsa mamiriro ezvinhu muhupenyu hwake nenzira yakajeka.

Asi pane zvimwewo zvinhu zvinoitwa nevanhu zvinozokonzera kuti vakungure muhupenyu.

Nyanduri ari kukungura mikana yaakatambisa vamwe pavaifunda. Uye haasi kuramba kuti ndiye aive dura remisikanzwa, achitemesa maticha musoro, achidhakwa nekurwa.

Chinosiririsa ndechekuti nyanduri ave kuyemura motokari dzakanaka dzave kufamba nevaakadzidza navo sekunonzi akanga asinawo kuwaniswa mukana saivo. Saka nhetembo iyi inoyambira pamwe chete nekuraya.

Uyu munhu dzake nhamo dzamumomotera kunge huku dziri kukushirwa.

Ave kudembawo utano hwave pamateru.

Asi chaari kubvuma ndechekuti akanga ari bhuru. Asi paati “ndaisava nemuti unoera sanha,” dimikira racho rinoti “sanhu” uye sanhu zvichireva demo.

Nhetembo iyi chayashaya chete kushandisa mutauro wakapfuma nguva dzose kuti iburitse humhizha.

Asi ipapo paazama, zviri nani.

 [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>