DETEMBA TINZWE: Kwayedza mu Zimbabwe

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

naElismore Gunda Mazhindu

Kukurigorigo, kukurigorigo.

Kwayedza mwanawe,

Kwayedza muZimbabwe

Tarira uone zuva rabuda.

Utonga piriviri rave zuva dzva.

Kwayedza-a

Kwaedza iwe mwana wevhu.

Bata basa rako nemwoyo wese.

Nyika ndeyedu tose iyi

Abiyedu, kuti tibudirire

Inotoda vashandi vemandorokwati

Usazeza kana kuzengurira kubata basa gukutu

Tendai hubvu haiwire mumukanwa megova rivete

Zvakakuedzerai kudai chimuka ushandire mhuri

Shingirira kurera mhuri ndaiti chidokodoko chirera

Muviri chikuru chinozouya wakora.

 

Elismore Gunda Mazhindu ane makore 15 uye anodzidza paMutekedza Secondary School, kwaSadza, kuChikomba.

Maonero:

Ndafara nekanhetembo kako kadiki kanobva kangonanga pane zvauri kuda kutaura. Handizive kuti ndiwe here kana kuti ndevakazokutaipira, asi pane zvinhu zvandiri kuda kutanga ndataura kuti uzive pamwe chete nekuchenjerera ndisati ndapinda mukutarisa zvimwe zviri munhetembo yako.

Wanga uchisanganisa zviperengo zvezwi rinoti kwayedza. Pamwe wanga uchiti kwaedza, pamwe woti kwayedza. Unofanirwa kusarudza chiperengo chimwe chete wochishandisa. Asi panoti kwayedza ndaifunga kuti wakatoratidzwa kuti panonyorwa sei nebepanhau rino.

Tobvapo, wati “Kwayedza Muzimbabwe.” Zita renyika, kufanana nemamwe mazita ezvinhu rinonyorwa naZ mukuru. Izwi rekuti kuzeza, rinoreva zvimwe chete nerekuti kuzengurira, saka zviri kuita sekuti wangodzokorora zvawanga wataura, asi uchishandisa rimwe izwi. Nhetembo hadzidi kuti dzinyorwe tichishandisa mashoko akawanda sezvatinoita kana tichinyora rondedzero.

Wagona zvikuru kusarudza chirevo chinonyatsoburitsa pfungwa yako zvakajekesesa pawati, “Tendai hubvu haiwire mukanwa megava rivete.” Ndikoka kureva kuti hakuna chinhu chinouya uvete, asi ukashanda nesimba zvinhu zvinoita. Asi chandisina kunzwisisa ndechekuti izwi rekuti “Tendai” iro raisirwei kwekutanga kwechirevo chako. Nhetembo yako yakanangana nemunhu anonzi Tendai here? Ndiye here wawave kuudza kuti, “chimuka ushandire mhuri?” Kana zviri izvo, unopusisa vaverengi nekuti watanga nhetembo yako zvichiita sekuti uri kutaura nevanhu vese vemuZimbabwe.

Asi tsumo yawazoshandisa yekuti, “Chidoko chirera muviri, chikuru chinozouya wasimba,” unenge waishandisa paisingaite. Itsumo inoreva kuti gutsikana kana kuti gashira zvinenge zviripo panguva iyoyo, nyangwe zviri zvishoma kana zvidiki, nekuti zvidiki izvozvo zvinotofanokubatsira usati wazowana zvikuru zvinodikanwa nemwoyo wako.

Pasina izvi, ndinoona kuti une chipo chekunyora zvekuti ndinokukurudzira kuti usanete nekuti ndimi vananyanduri veZimbabwe vamangwana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>