DETEMBA TINZWE: Shamiso mwana wamai

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

naFaith Mashayamombe
Mwana wamai, Shamiso

Wakura.

Wotisiya zvino

Woenda kwako.

Usazoshupa veko

Nokuti mwana washe

Muranda kumwe.

Teerera mashoko andinokurayira

Nokuti zano marairanwa.

Uchingomuka rungwanani

Uchira wapfungwa uchimutsa

Vamwene navatete. Wave

Kubika ndapota unapfugama.

Waenda kutsime usakanganwe

Kucherera vatete mvura.

Zvaunoita zviya ziva kuti

Vepedyo vanotarira kuti

Vazowana chokureva.

Ivo vanatete havashayi

Chokupomera asi iwe

Chingoshingirira nokuti

Apunyaira haashayi misodzi.

Iwe yemura zviripo. Nyoka

Huru haizvirume inga vakuru

Vakareva. Chiitawo semunhu

Akabva kuvanhu.

Vakuru vanoti anokupa zano

Anokufarira. Chichengeta mashoko

Aya mupfimbi yako. Pangu

Ndaedza kukubetsera mwana

Wamai. Zvasarira iwe kufuga

Kana kuwarira.

Faith Mashayamombe ari muForm 2 paSeke 1 High School, kuChitungwiza.

MAONERO:

Ndakapedzisira kuverenga nhetembo yekuraya inobva kumwana wechikoro yakanaka seino kare. Ndiri kutarisa nyangwe mamisiro aitwa nhetembo iyi, zvinoratidza hunyanzvi. Ndiri kudaro nekuti chimiro chenhetembo chakadai, chekuti mimwe mitsara yanga ichidimurirwa panzira, asi yozonoiswa zvimiso mukati, kana kuti pakati pemazwi hazvisi nyore kuita. Handizive kuti kuronga kwake here kana kuti akazviita achingoda kuti nhetembo yake ikwane mudanga repeji.

Iyi inhetembo iri kunyorerwa mun’inina ave kuzoenda kumurume wake. Tingati inhetembo yemashoko ekupedzisira, ekusimbisa kurayira kwakagara kuchiitwa.

Nhetembo iyi iri kusimbisa kuzvininipisa kunofanira kuita muroora kana aenda mumusha wevaridzi. Munhu ari kurayira anoratidza kunzwisisa hupenyu uye nyanduri agona kushandisa tsumo dzinoratidza hudzamu hwedzidziso yake kuti iri kubva paruzivo rwevakuru. Anoshandisa tsumo nezvirevo zvaaita sekuti; Mwana washe muranda kumwe, Mazano marairanwa.

Nezera ranyanduri uyu, ndiri kugutsikana nekudzama kwakaita ruzivo rwake rwetsika dzinozadza mukombe dzechivanhu. Nyangwe zvazvo aita mhosho pamutsara wechipiri mundima yechipiri, ndanzwisisa kuti anga achida kuti, “Uchira wakapfugama, uchimutsa.”

Iyo ndima iyoyi yega yakazara netwunhu twunoratidza tsika dzinoyemurika. Ndedzipi tsika nehunhu zvandaona zviri kuburitswa nanyanduri? Kuombera, kupfugama, kukwazisa, kubika munhu akapfugama kwete akachonjomara kana kukotama, kuita basa, nekuremekedza.

Mashoko ekuraya aya makukutu uye anovaka munhu. Zvanzi nanyanduri, “Ivo vana tete havashayi chokupomera . . .” Saka zviri kutoreva kuti mwana uyu ngaasazodzoka achiti “vari kunditi zvakati nezvakati . . .”

Ayambirwa nechekare, saka kana zvave kuitika, achange akagadzirira. Chandanyanyofarira munhetembo iyi ndechekuti haina kumbobvira yabva pakurayira kubva ichitanga kusvika ichipera. Yasiyana zvakare nevaye vanodzidzisa zvekodzero dzevanhu asi zvisingavake hunhu hwemunhu.

Faith kana ukatanga kunyora zvine hunyanzvi zvakadai paForm 2, kuzoti kana wave Form 4 unenge watove mudzidzisi wechiShona chaiyeka! Ramba wakashinga uchinyora zvine hudzamu saizvozvi!

. [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>