Kwayedza
naFaith Mashayamombe
Mwana wamai, Shamiso
Wakura.
Wotisiya zvino
Woenda kwako.
Usazoshupa veko
Nokuti mwana washe
Muranda kumwe.
Teerera mashoko andinokurayira
Nokuti zano marairanwa.
Uchingomuka rungwanani
Uchira wapfungwa uchimutsa
Vamwene navatete. Wave
Kubika ndapota unapfugama.
Waenda kutsime usakanganwe
Kucherera vatete mvura.
Zvaunoita zviya ziva kuti
Vepedyo vanotarira kuti
Vazowana chokureva.
Ivo vanatete havashayi
Chokupomera asi iwe
Chingoshingirira nokuti
Apunyaira haashayi misodzi.
Iwe yemura zviripo. Nyoka
Huru haizvirume inga vakuru
Vakareva. Chiitawo semunhu
Akabva kuvanhu.
Vakuru vanoti anokupa zano
Anokufarira. Chichengeta mashoko
Aya mupfimbi yako. Pangu
Ndaedza kukubetsera mwana
Wamai. Zvasarira iwe kufuga
Kana kuwarira.
Faith Mashayamombe ari muForm 2 paSeke 1 High School, kuChitungwiza.
MAONERO:
Ndakapedzisira kuverenga nhetembo yekuraya inobva kumwana wechikoro yakanaka seino kare. Ndiri kutarisa nyangwe mamisiro aitwa nhetembo iyi, zvinoratidza hunyanzvi. Ndiri kudaro nekuti chimiro chenhetembo chakadai, chekuti mimwe mitsara yanga ichidimurirwa panzira, asi yozonoiswa zvimiso mukati, kana kuti pakati pemazwi hazvisi nyore kuita. Handizive kuti kuronga kwake here kana kuti akazviita achingoda kuti nhetembo yake ikwane mudanga repeji.
Iyi inhetembo iri kunyorerwa mun’inina ave kuzoenda kumurume wake. Tingati inhetembo yemashoko ekupedzisira, ekusimbisa kurayira kwakagara kuchiitwa.
Nhetembo iyi iri kusimbisa kuzvininipisa kunofanira kuita muroora kana aenda mumusha wevaridzi. Munhu ari kurayira anoratidza kunzwisisa hupenyu uye nyanduri agona kushandisa tsumo dzinoratidza hudzamu hwedzidziso yake kuti iri kubva paruzivo rwevakuru. Anoshandisa tsumo nezvirevo zvaaita sekuti; Mwana washe muranda kumwe, Mazano marairanwa.
Nezera ranyanduri uyu, ndiri kugutsikana nekudzama kwakaita ruzivo rwake rwetsika dzinozadza mukombe dzechivanhu. Nyangwe zvazvo aita mhosho pamutsara wechipiri mundima yechipiri, ndanzwisisa kuti anga achida kuti, “Uchira wakapfugama, uchimutsa.”
Iyo ndima iyoyi yega yakazara netwunhu twunoratidza tsika dzinoyemurika. Ndedzipi tsika nehunhu zvandaona zviri kuburitswa nanyanduri? Kuombera, kupfugama, kukwazisa, kubika munhu akapfugama kwete akachonjomara kana kukotama, kuita basa, nekuremekedza.
Mashoko ekuraya aya makukutu uye anovaka munhu. Zvanzi nanyanduri, “Ivo vana tete havashayi chokupomera . . .” Saka zviri kutoreva kuti mwana uyu ngaasazodzoka achiti “vari kunditi zvakati nezvakati . . .”
Ayambirwa nechekare, saka kana zvave kuitika, achange akagadzirira. Chandanyanyofarira munhetembo iyi ndechekuti haina kumbobvira yabva pakurayira kubva ichitanga kusvika ichipera. Yasiyana zvakare nevaye vanodzidzisa zvekodzero dzevanhu asi zvisingavake hunhu hwemunhu.
Faith kana ukatanga kunyora zvine hunyanzvi zvakadai paForm 2, kuzoti kana wave Form 4 unenge watove mudzidzisi wechiShona chaiyeka! Ramba wakashinga uchinyora zvine hudzamu saizvozvi!