Devolution yaunza budiriro kuBuhera

28 Mar, 2024 - 17:03 0 Views
Devolution yaunza budiriro kuBuhera Mugwagwa weMurambinda Birchenough

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KANZURU yeBuhera Rural District Council kudunhu reManicaland inoti iri kusimbaradza mabasa ebudiriro apo yakatarisana nekuitwa kwemhemberero huru dzekuwana kweZimbabwe kuzvitonga kuzere nemusi wa18 Kubvumbi paMurambinda Growth Point, kwakare kuBuhera.

VaThomas Matsenhura, avo vanova sachigaro wekanzuru iyi, vanoti vanodada zvakanyanya nebudiriro iri kuitika mudunhu ravo.

“Tine mari inobva kuHurumende yeDevolution Fund yatakapihwa gore rakapera ra2023 ichibatsiranawo neinopihwa nhengo dzedare reParamende yemaConstituency Development Fund (CDF) iyo tiri kushandisa mumabasa akasiyana kunzvimbo dzedu dzose muno muBuhera. Dunhu reBuhera rinobatanidzira Buhera Central inotungamirirwa naMP Cde Samson Matema, Buhera North ina Cde Phillip Guyo, Buhera West inotungamirirwa naCde Tafadzwa Mugwadi neBuhera South ina Cde Ngonidzashe Mudekunye,” vanodaro VaMatsenhura.

Vanoti mabasa ari kuitwa nekanzuru yavo anosanganisira kuvakwa kwemakiriniki matsva nekuvandudza matsaru, kuvaka misika yekutengesera, kuvaka makirasi muzvikoro nekugadzirisa migwagwa mizhinji yeko vachibatsirana neDistrict Development Fund (DDF).

VaThomas Matsenhura

“Mari yeDevolution iri kushanda basa rayo chairo rekusimudzira dunhu reBuhera. Izvozvi takavakisa musika wemabhazi weBirchenough Rank apo paingova negiravhera, takaisa tara nemashedhi tikagadzira mateburu ekuti vemisika vatengesere zvakanaka pasina kunaiwa nekupiswa nezuva uyewo motokari nemabhazi dzine pekumiswa pakanaka. Nzvimbo iyi yatsvinda,” vanodaro VaMatsenhura.

Vanoti zviya zvekuti vanhu vanofamba mumadhaka pamusika wavo weBirchenough kana kuchinge kwanaya dzangova nhoroondo.

Kanzuru yavo, vanodaro VaMatsenhura, yakavakisa makiriniki matsva anosanganisira Maburutse Clinic kuWard 1 iyo yava kutoshanda uye yakavhurwa zviri pamutemo naAdvocate Misheck Mugadza vanova Provincial Affairs Minister weManicaland neMbundire Clinic yekuWard 1 iyo yava kushanda zvekare.

Kuvhurwa zviri pamutemo kweMaburutse Clinic

Vanoti kune Mutasa Clinic inova itsva yakavhurwa zvekare zviri pamutemo.

“Zvinoreva kuti vanhu havachaenda kunorapwa kure sezvavaiita kare nekuda kwekuvakirwa makiriniki aya muberevere medzimba dzavo. Madzimai akazvitakura havachaenda kure zvakare, takaisawo denga pakiriniki yeMabvuregudo kuWard 15 tikavakawo dzimba dzekudzidzira pachikoro cheVhiriri Primary. Pamusoro pezvo, takavakawo mabhuroko maviri ekudzidzira paSt Albans Primary iri kuWard 10,” vanodaro.

Kanzuru yavo yakazotengawo rori reTipper neFront and Loader zvekushandisa mabasa akaita sekugadzira migwagwa nezvimwe.

“Takatengawo inonzi Cart Grader nekamwe kaTipper kadiki kanodhonzwa netirakita. Sekanzuru, tiri kugiredha migwagwa muno muBuhera inosanganisira Nyazvidzi Pararel inobva kuChivhu kunosvika kuBirchenough wakadziva kurwizi rwaNyazvidzi. Tine mugwagwa weDamba-Murambinda uyewo tiri kugiredha migwagwa yose inoenda kuzvikoro nekumakiriki,” vanodaro VaMatsenhura.

Vanoti Hurumende iri mubishi kugadzira mugwagwa weMurambinda-Birchenough uyo wakareba makiromita 120.

“Mugwagwa mukuru uyu uri kugadzirwa neHurumende, tichitenda kuti zvizhinji zvinoshandiswa zviripo. Pakugadzira kwatinoita migwagwa yedu, tinobatana kanzuru yedu neDDF nekuti pane patinosangana.

“Tinotendawo Hurumende nekutiyeuka kuno kuBuhera kuti kuitirwe mutambo mukuru wekupemberera rusununguko rwekuzvitonga kuzere. Ndiko kune nzvimbo yeDzapasi Assembly Point iri kuChiurwi uko kwakasvikira vaiva varwi vehondo yeChimurenga. Iyoyi yaiva assembly point huru kudarika dzimwe dzose munyika.

“Tinonzwa kuti Hurumende ine hurongwa hwakakura hwekuzovaka chipatara chikuru panzvimbo iyi panova pakati peMurambinda neBirchenough, uhwu hurongwa hweHurumende kwete isu sekanzuru,” vanodaro VaMatsenhura.

Share This:

Sponsored Links