Devolution yosimudzira Hurungwe East

30 May, 2022 - 16:05 0 Views
Devolution yosimudzira Hurungwe East MP Masenda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIRONGWA cheDevolution chiri kurumbidzwa zvakanyanya nebasa guru rachiri kuita mukusimudzira budiriro kumatunhu anosanganisira Hurungwe East, kuMashonaland West.

Pasi pechirongwa ichi, mumiriri weHurungwe East mudare reNational Assembly, Cde Ngoni Masenda, vari kushanda nemadzimambo anosanganisira Mambo Mujinga munyaya dzebudiriro.

Cde Masenda vanoti mari iri kubva kuHurumende yeDevolution iri kubatsira mubudiriro yemunzvimbo mavo umo mune vanhu vanodarika 41 000.

“Ini nevagari vemuHurungwe East, kusanganisira mambo wedu VaMujinga, tiri kushanda nesimba kuti tiwane budiriro izere. Tine chirongwa cheDevolution icho tiri kuita mabasa akasiyana muno.

“Chionai nhasi (svondo rapera) tine chirongwa chekudzidzisa varimi cheBoka Tobacco Forum tiina Muzvare Rudo Boka pano uye ichi chikamu cheDevolution ichocho chakananga kuunza budiriro muvanhu. Muchirongwa ichi, tine zvakawanda zvatiri kuita zvinosanganisira kugadzirwa kwemigwagwa, kuvaka makiriniki, kuvandudza dzimba muzvikoro nekuisawo mvura nezvimwe zvakawanda,” vanodaro Cde Masenda.

Vanoti vane hurongwa hwekuvandudza zvikoro zvinosanganisira Gwiwa Primary nesekondari yacho kuti zviwaniswe mvura yakachena kubva muchibhorani chiripo uyewo nekuchera chimwe chitsva.

“Donzvo redu nderekugadzirisa zvikoro zvedu zvepuraimari nesekondari. Tiri kugadzirisawo migwagwa inosanganisira weTengwe-Chimusimbe neweMakakara uyewo tine makiriniki ari kuvandudzwa akadai seChinhere neTengwe,” vanodaro.

Cde Masenda vanoti mumwe wemigwagwa wakaipa unoda kugadziriswa ndeweKaroi-Tengwe uchidarikira kuenda kuChirariro uchinosvika kuSanyati nekuGokwe.

“Mukati memabasa ari kuitwa, tine kiriniki yeMasikati yakavandudzwa dzimba dzekurapira pamwe chete nedzevakoti. Tine mugwagwa zvakare weChanetsa kusvika kuChirariro unoda kugadzirwa. Basa iri riri kuitwa nebazi reDistrict Development Fund (DDF) nekanzuru yedu yeHurungwe Rural District Council (HRDC).”

Cde Masenda vanotenda vemakambani anoita basa rekuvhima mhuka kumasango ekuHurungwe ayo avanoti ari kubatsira mukusimudzirwa kwemabasa akasiyana.

Mambo Mujinga

Mashoko avo anotsinhirwa naMambo Mujinga VaMutenhe Madanairwa vachiti chirongwa cheDevolution chiri kusimudzira zvakanyanya mabasa ebudiriro mudunhu ravo.

“Tose zvedu takabatana muchirongwa ichi kuti dunhu redu risimukire,” vanodaro Mambo Mujinga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>