Dudley Hall hutu nemukombe

24 May, 2019 - 00:05 0 Views
Dudley Hall hutu nemukombe Dudley Hall Primary

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
CHIKORO cheDudley Hall Primary School chiri muNorton, kuMashonaland West, ndicho chakatora mukombe mumakwikwi ekwizi, eAnnual School’s Heritage Quiz, ayo akaitirwa kuNational Museums and Monuments of Zimbabwe, muHarare, svondo rapera.

Dudley Hall yakateverwa neSOS Hermann Gmeiner Primary School neBarham Green Primary iyo yakatora mubairo wechitatu.

Makwikwi aya akapindwa nezvikoro gumi zvakabva kumatunhu ose gumi eZimbabwe. Makwikwi iwaya ane musiyano mukuru neagara achiitwa sezvo aibvira padanho reEarly Childhood Development (ECD) senzira yekubata njere dzevana vachiri vaduku pamwe nekuumbiridza hunyanzvi hwavo.

Muhurukuro neKwayedza, VaGodhi Bvocho – avo vanova regional director for National Museums and Monuments, Nothern Region – vanoti chinangwa chavo ndechekuona kuti vana vemazera ose vawaniswa mikana yakaenzana yekukwikwidza mumakwikwi aya.

“Gore rino takavandudza chirongwa ichi tichibata vadzidzi vose kubvira paECD.

“Tiri kushanda zvakare nezvikoro zvekumaruwa nezviri pedyo nemaguta.

“Tinofara zvikuru kuti tine vatsigiri vakawanda uye vadzidzi vedu takwanisa kuvapa mibairo yemari nemikombe, kusanganisira varairidzi vacho taona kuti havangadzokeri vari maoko nekuti ndivo vane basa guru muzvirongwa izvi,” vanodaro.

Vanoti mumakore adarika, makwikwi aya aipindwa nezvikoro zvishanu asi iko zvino zvakawedzerwa kusvika gumi. VaTobias Maenzanise, vanova provincial head quiz coordinator muHarare, vanoti donzvo remakwikwi aya nderekusimudzira zvidzidzo zvetsika nemagariro zvichifambirana negwaro idzva redzidzo, reNew Curriculum.

“Tiri kupemberera National Museum Day asi chiitiko chikuru ndechemakwikwi ekwizi ari kuitwa nezvikoro zvakabva kumatunhu gumi. Pane kuratidzirwa zvakare kwemidziyo sehuyo, tswanda, maturi, mishonga yechivanhu nemitambo yechinyakare.

“Makwikwi aya anobatsira vana kuti vange vachibudirira muzvikoro nekuti vanodzidza zvakawanda maringe netsika nechivanhu. Apa vanodzidza pamwe nekuona mimwe midziyo yaishandiswa pasichigare pachinzvimbo chekuti zvingoperera mumabhuku,” vanodaro.

Makwikwi aya akatsigirwa nemapoka pamwe nemakambani anosanganisira Zimpapers, FBC Bank, Premier Medical Aid Society, Zimbabwe Republic Police Traditional Dance, Zimbabwe National Traditional Healers Association, Doves, Eversharp, Tongaat Hulett, Excel Events neNyaradzo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>