Duramazwi idzva rakaburwa

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

BHUKU idzva reDuramazwi Guru ReChishona rakanyorwa nemushandirapamwe weCollege Press Publishers nebazi reAfrican Languages Research Institute zvichisanganisira vanamazvikokota vemitauro nemupepeti Professor Herbert Chimhindu nedzimwewo nyanzvi dzemutauro wechiShona.

Duramazwi guru rine mazwi akapenengurwa nekutsanangurwa anosvika 38 000 kubva kumapazi akasiyana-siyana anowanikwa munyika yeZimbabwe anova chiKaranga, chiNdau, chiManyika, chiZezuru neChikorekore.

Duramazwi iri rinotsanangura mazwi akasiyana-siyana anosanganisira mipanda yemazita newirirano, bumbiro rezviperengo (varamwana nenzvanyira), donzo rechiito, rebeso dzezvivanduriro zvechiito, zvidimbu zvemazwi akashandiswa uye marudzi ose ezvirungamutauro (tsumo, madimikira, nyaudzosingwi, zvirevamwene, zvindori, zvirevauwandu uye zviratidzi).

Duramazwi idura romutauro wose wakadaro uye rinoedza kutsanangura wose wakadaro. Basa raro harisi rokungopa dudziro dzemazwi chete. Pane zvimwe zvinhu zvakawanda chaizvo zvisingawanzotariswa navanhu vazhinji muDuramazwi asi zvamunogona kudzidzamo. Zvinhu izvi zvinosanganisira mataurirwo emazwi, kuburitsa mazwi akafanana nekunongedza mhando yezwi.

Duramazwi rakagadzirirwa kushandiswa nevanhu vose, kubva pane vari kudzidzira chiShona, vana vechikoro vekupuraimari, sekondari kana vezvidzidzo zvepamusoro uye vanamazvikokota vemutauro.

Duramazwi Guru Rechishona rine zvikamu zviviri zvinoti chikamu chokutanga chinova iro Duramazwi rine mazwi akarongwa achitevedza arifabheti nechikamu chepiri chine zvirungamutauro. Kumagumo kweDuramazwi iri kune mhendero sere dzinodura nyika dzemuAfrica, mazwi anoshandiswa kureva zvipimo, ndudzi dzezvipimo, mazita anotaura zveutongi, matare nemutemo, mavara, nguva, madzishe nemitupo nezvidao zvavo kumatunhu anotaurwa chiShona uye mazwi anoshandiswa kutsanangura zvemaumbirwo emutauro nezveuvaranomwe: tichibva kumutauro wechiShona tichienda kune wechiRungu.

*****

Mudhuri DDK Z 3. 1.— Mudhuri chidziro chemba kana chimwewo chivakwa.

FAN chidziro 7. 2. (manje) Mudhuri kamuchina kanovakirirwa kumadziro ebhangi, kanotokonywa munhu apinza kadhi rake, obaya nhamba dzake, okwanisa kudhirowa mari pakari.

Mudhuri — Izwi riri kutsanangurwa

DDK — Mataurirwo ezwi

Z — mhando yezwi

3 — mupanda

1 — tsananguro yekutanga

FAN — mamwe akafanana

(manje) — Chimanjemarimanje

Unyanzvi hunoburitswa neDuramazwi Guru Rechishona hunova chikonzero chinoita rive duramazwi rinoshandiswa nenyika yose rinovimbwa naro vevarairidzi, vadzidzi vacho uye vabereki kwemakore anopfuura gumi nematanhatu.

Ongororo yebhuku iri yakaitwa naTonderai Mpofu naKeith Chiyanike vekuNational University of Science and Technology.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>