Dzimwe tsika siyai: Mambo

18 Jul, 2020 - 20:07 0 Views
Dzimwe tsika  siyai: Mambo Mambo Nyamweda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Nyamweda vekuMhondoro, kuMashonaland West, vari kukurudzira vagari vekudunhu ravo nevamwe veruzhinji kuti vasavarairwe panyaya yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 uye kuti vasiyane nedzimwe tsika dzagara dzichiitwa kubva kare.

Mambo ava vanokurudzira veruzhinji kutevedzere matanho ose ari kukurudzirwa nenyanzvi dzezveutano panguva imwe cheteyo vosiyana netsika dzakaita sekumhoresana “chishanu” nemaoko.

VaCloudious Mandaza – avo vanova Mambo Nyamweda – vanoti zvinoratidza kuti kune kuvarairwa kwakanyanya mukati mevanhu vemudunhu ravo munyaya dzekurwisa kupararira kwehutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19.

Vanoti mukufamba kwavari kuita munharaunda, vari kuona kuti vanhu vakawanda havachakoshese kupfeka mamasiki uyewo vamwe vanongokwazisana nekubatana maoko panenge pafiwa.

“Ndiri kuti vanhu vasasvike pakuvarairwa sezvavave kuita vachisiya kutevedza matanho ose anokurudzirwa nenyanzvi pakurwisa chirwere cheCovid-19. Mudzinhamo dzandaenda dzine chitsama muno, ndiri kuona vanhu vasina kupfeka mamasiki uyewo vakagara vakaita chitsokotsoko.

“Denda iri onai kuti rakwira kusvika padanho repamusoro muno, saka tikaita zinyekenyeke rinotipedza,” vanodaro Mambo Nyamweda.

Vanoti kuburikidza nezvavari kuona, ivo samambo vave kusimbaradza mitemo iyo vanopa kumasabhuku yekutevedzerwa kwezvose zvine chekuita nekurwisa Covid-19.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vasiyane nedzimwe tsika dzakagara dziriko sekukwazisana nemaoko senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

“Inga wani kukwazisa ambuya hatibatane maoko navo, saka ngatiitei izvozvo kusvikira dambudziko redenda iri radarika. Zvinoitika chete kana tichitevedzera zvinokurudzirwa nenyanzvi,” vanodaro Mambo Nyamweda.

Vanopawo yambiro kune vemabhawa avo vavanoti vari kuvhura mabhawa avo zvidhakwa zvichizaramo zvichipesana nemitemo yenyika.

“Mabhawa ndiri kunzwa kuti ari kuvhurwa vanhu vachinwa doro zvekuraradza varimo. Mutemo wenyika hausati wave kubvumidza kuvhurwa kwemabhawa saka ndinokurudzira vanhu kuti vashande nemapurisa nesu madzimambo kuti tsika yakaipa iyi imiswe nekukasika,” vanodaro.

Vanoti kune vamwe vemakombi nedzimwe motokari vari kutakura vanhu zviri kunze kwemutemo vachishandisa mugwagwa weSkyline-Mubayira-Chegutu.

“Kune mamwe makombi nemota dziri kutakura vanhu zvinova zviri kunze kwemutemo uye zvine njodzi yekukonzera kupararira kweCovid-19. Ini samambo handimbofa ndakayeva vanhu ivava vachiita izvi nekuti ndisu tinomirira Hurumende kumatunhu.”

Vanonyunyutawo nenyaya yekuti dunhu ravo harifambe mabhazi eZupco izvo zvinoita kuti vanhu vamanikidzwe kukwira makombi asisabvumidzwe kutakura veruzhinji aya.

“Mumakombi aya vanhu vanokwanisa kutapurirana denda saka chichemo chedu ndechekuti dai Zupco yatipawo mabhazi kuno kuti tikwanise kufamba zvakanaka,” vanodaro.

Kusvika nemusi weChitatu, Zimbabwe yange yava nevanhu 1 089 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Pahuwandu uhu, 395 vakatonaya asi 20 vakafa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>